Jobho
27 Zvino Jobho akasimudzirazve chirevo chake,+ akati:
2 “NaMwari mupenyu,+ akandibvisira kururama kwangu,+
Naiye Wemasimbaose mupenyu, akashungurudza mweya wangu,+
3 Mhepo yangu yokufema ichiri mandiri yose,
Simba roupenyu raMwari richiri mumhino dzangu,+
4 Miromo yangu haizotauri zvisina kururama
Uye rurimi rwangu haruzotauri zvinonyengera!
5 Handingambofungi zvakadaro kuti nditi imi makarurama!+
Handizorasi kuvimbika+ kwangu kusvikira ndafa!
6 Ndakabatisisa kururama kwangu, uye handizokuregedzi;+
Mwoyo wangu hauzondishori pamazuva angu ose.+
8 Nokuti munhu anotsauka achava netariro yei kana iye akamuparadza,+
Kana Mwari akamutorera mweya wake?+
10 Kana kuti achafarira kwazvo Wemasimbaose here?
Achashevedzera kuna Mwari nguva dzose here?
13 Uyu ndiwo mugove womunhu akaipa unobva kuna Mwari;+
Uye vachagamuchira nhaka yevadzvinyiriri inobva kune Wemasimbaose.
14 Kana vanakomana vake vakava vazhinji, vachaurayiwa nebakatwa;+
Vazukuru vake havazovi nezvokudya zvakakwana.
16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva,
Akagadzira zvipfeko zvakaita sevhu,
17 Angagadzira hake, asi munhu akarurama ndiye achazvipfeka,+
Uye asina mhosva ndiye achawana mugove wesirivha yacho.