Mapisarema Rwiyo Rwokukwira. 128 Anofara munhu wose anotya Jehovha,+Anofamba munzira dzake.+ 2 Nokuti iwe uchadya zvawakashandira zvakaoma nemaoko ako.+Uchafara uye zvichakufambira zvakanaka.+ 3 Mudzimai wako achaita somuzambiringa unobereka zvibereko+Mukatikati meimba yako.Vanakomana vako vachaita sotumiti twemiorivhi+ kumativi ose etafura yako. 4 Tarirai! Ndiko kukomborerwa kuchaitwa murume+Anotya Jehovha.+ 5 Jehovha achakukomborera muZiyoni.+Onawo kunaka kweJerusarema mazuva ose oupenyu hwako,+ 6 Uone vanakomana vevanakomana vako.+Israeri ngaave norugare.+