Eksodho
16 Gare gare vakabva paErimu,+ ungano yose yevanakomana vaIsraeri ikazosvika kurenje reSini,+ riri pakati peErimu neSinai, pazuva rechigumi nemashanu romwedzi wechipiri vabuda munyika yeIjipiti.
2 Zvino ungano yose yevanakomana vaIsraeri yakatanga kugunun’unira Mosesi naAroni murenje.+ 3 Vanakomana vaIsraeri vakaramba vachiti kwavari: “Kudai takanga taurayirwa+ hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, patainge tigere pedyo nehari dzenyama,+ patainge tichidya zvokudya tichiguta, nokuti makatibudisa mukatipinza murenje rino kuti muuraye ungano yose iyi nenzara.”+
4 Jehovha akabva ati kuna Mosesi: “Tarirai ndiri kukunayisirai chingwa chinobva kumatenga;+ vanhu ngavabude zuva rimwe nerimwe, mumwe nomumwe anhonge chitsama chake chaanokwana,+ kuti ndivaedze kana vachizofamba mumutemo wangu kana kuti kwete.+ 5 Zvino pazuva rechitanhatu+ ngavagadzirire zvavachauya nazvo, uye zvinofanira kupeta kaviri zvavanoramba vachinhonga zuva rimwe nerimwe.”+
6 Naizvozvo Mosesi naAroni vakati kuvanakomana vaIsraeri vose: “Manheru muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai munyika yeIjipiti.+ 7 Mangwanani chokwadi muchaona kubwinya kwaJehovha,+ nokuti anzwa kugunun’unira kwenyu Jehovha. Uye isu tiri chii zvamuri kutigunun’unira?” 8 Mosesi akati: “Muchazviona Jehovha paachakupai nyama kuti muidye manheru uye chingwa mangwanani kuti mugute, nokuti Jehovha anzwa kumugunun’unira kwamuri kuita. Isu tiri chii? Hamusi kugunun’unira isu, asi Jehovha.”+
9 Zvino Mosesi akati kuna Aroni: “Udza ungano yose yevanakomana vaIsraeri kuti, ‘Swederai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kugunun’una kwenyu.’”+ 10 Aroni achangopedza kutaura neungano yose yevanakomana vaIsraeri, vakatendeuka vakatarira kurenje, vakaona kubwinya kwaJehovha kuri mugore.+
11 Zvino Jehovha akataurazve naMosesi, achiti: 12 “Ndanzwa kugunun’una kwevanakomana vaIsraeri.+ Taura navo, uchiti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama uye mangwanani muchaguta chingwa;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”+
13 Naizvozvo ava manheru zvihuta+ zvakatanga kuuya, zvikafukidza musasa, uye mangwanani dova rakanga rakafukidza pasi kupoteredza musasa wacho.+ 14 Kwapera nguva yakati, dova racho rakaoma, uye vakaona zvinhu zvitete zvakatsetseka,+ zvakatsetseka semazaya echando+ zviri pasi murenje. 15 Vanakomana vaIsraeri pavakazviona, vakatanga kubvunzana, vachiti: “Chii ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Nokudaro Mosesi akati kwavari: “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.+ 16 Jehovha arayira kuti, ‘Zvinhongei, mumwe nomumwe zvakaenzanirana nezvaanodya. Torerai munhu mumwe nomumwe chiyero cheomeri+ maererano nokuwanda kwemweya iyo mumwe nomumwe wenyu anayo mutende rake.’” 17 Vanakomana vaIsraeri vakatanga kuita saizvozvo; vakazvinhonga, vamwe vachiunganidza zvakawanda uye vamwe vachiunganidza zvishoma. 18 Pavaizozviyera neomeri, uya ainge aunganidza zvakawanda aisava nezvakawandisa nouya ainge aunganidza zvishoma aisava nezvishoma.+ Mumwe nomumwe ainhonga zvaienzanirana nezvaaidya.
19 Mosesi akabva ati kwavari: “Ngaparege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwanani.”+ 20 Asi ivo havana kuteerera Mosesi. Vamwe vanhu pavaizvisiya kusvikira mangwanani, zvaiita honye zvonhuhwa;+ zvokuti Mosesi akavatsamwira.+ 21 Vaizvinhonga mangwanani+ oga oga, mumwe nomumwe zvakaenzanirana nezvaaidya. Zuva paraipisa, zvainyunguduka.
22 Zvino pazuva rechitanhatu vakanhonga chingwa chakapetwa kaviri,+ zviyero zviviri zveomeri pamunhu mumwe. Naizvozvo machinda ose eungano akauya akaudza Mosesi. 23 Iye akati kwavari: “Ndizvo zvakataurwa naJehovha. Mangwana tichachengeta sabata, iro sabata dzvene rinoitirwa Jehovha.+ Gochai zvamunogona kugocha, bikai zvamunogona kubika,+ uye chengetai zvose zvinenge zvasara kuti zvive zvinhu zvakachengetwa kusvikira mangwana.” 24 Naizvozvo vakazvichengeta kusvikira mangwanani acho, sezvakanga zvarayirwa naMosesi; uye hazvina kunhuhwa kana kuva nehonye.+ 25 Mosesi akabva ati: “Zvidyei nhasi, nokuti nhasi isabata+ rinoitirwa Jehovha. Nhasi hamungazviwani musango. 26 Muchazvinhonga mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata.+ Hapana zvichavapo pariri.” 27 Zvisinei, pazuva rechinomwe vamwe vanhu vakabuda kunozvinhonga, asi havana chavakawana.
28 Naizvozvo Jehovha akati kuna Mosesi: “Mucharamba musingachengeti mirayiro yangu nemitemo yangu kusvikira rini?+ 29 Onai kuti Jehovha zvaakakupai sabata,+ ndokusaka ari kukupai chingwa chemazuva maviri pazuva rechitanhatu. Mumwe nomumwe ngaarambe agere munzvimbo yake.+ Ngaparege kuva nomunhu anobva munharaunda yake pazuva rechinomwe.” 30 Vanhu vakachengeta sabata pazuva rechinomwe.+
31 Zvino imba yaIsraeri yakachitumidza kuti “mana.” Chakanga chakachena sembeu yekoriyanderi, uye chainaka semakeke akatetepa ane uchi.+ 32 Mosesi akabva ati: “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Zadzai chiyero cheomeri nayo kuti ive chinhu chichachengetwa kwezvizvarwa zvenyu zvose,+ kuti vaone chingwa chandakaita kuti mudye murenje pandakanga ndichikubudisai munyika yeIjipiti.’”+ 33 Naizvozvo Mosesi akati kuna Aroni: “Tora chirongo uise omeri izere mana, uiise pamberi paJehovha kuti ive chinhu chichachengetwa kwezvizvarwa zvenyu zvose.”+ 34 Aroni akabva aiisa pamberi peChipupuriro+ kuti ive chinhu chaizochengetwa, sezvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha. 35 Vanakomana vaIsraeri vakadya mana kwemakore makumi mana,+ kusvikira vasvika kunyika yaigarwa nevanhu.+ Vakadya mana kusvikira vasvika kumuganhu wenyika yeKenani.+ 36 Zvino omeri ndechegumi chechiyero cheefa.