Eksodho
31 Zvino Jehovha akaramba achitaura naMosesi, achiti: 2 “Tarira, ndinoshevedza Bhezareri+ mwanakomana waUrai mwanakomana waHeri wedzinza raJudha nezita.+ 3 Ndichamuzadza nomudzimu waMwari kuti ave nouchenjeri, nokunzwisisa, nezivo, uye kuti ave nyanzvi muumhizha hwemarudzi ose,+ 4 kuti afunge mazano, kuti ashande nendarama nesirivha nemhangura,+ 5 nokuveza matombo kuti arongwe,+ nokuveza matanda kuti aite zvivezwa zvemarudzi ose.+ 6 Asi ini, ndagadza Ohoriyabhi mwanakomana waAhisamaki wedzinza raDhani kuti ave pamwe chete naye,+ uye ndinoisa uchenjeri mumwoyo mevanhu vose vakachenjera, kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:+ 7 tende rokusanganira+ neAreka+ yechipupuriro nechifukidziro chiri pamusoro+ payo, nemidziyo yose yetende, 8 netafura nemidziyo yayo,+ nechigadziko chemarambi chendarama chaiyo nemidziyo yacho yose,+ neatari yerusenzi,+ 9 neatari yechinopiwa chinopiswa nemidziyo yayo yose,+ nebheseni nechigadziko charo,+ 10 nenguo dzakarukwa nenguo tsvene dzomupristi Aroni nenguo dzevanakomana vake dzokuti vashande sevapristi;+ 11 nemafuta okuzodza nawo nerusenzi inonhuhwirira yenzvimbo tsvene.+ Ngavaite maererano nezvinhu zvose zvandakakurayira.”
12 Zvino Jehovha akatizve kuna Mosesi: 13 “Iwe taura nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Chokwadi munofanira kuchengeta masabata angu,+ nokuti iwo chiratidzo pakati pangu nemi muzvizvarwa zvenyu zvose kuti muzive kuti ini Jehovha ndiri kukutsvenesai.+ 14 Munofanira kuchengeta sabata, nokuti iro chinhu chitsvene kwamuri.+ Chokwadi anorisvibisa achaurayiwa.+ Kana pakava nomunhu anoita basa pariri, mweya iwoyo unofanira kubva waparadzwa pakati pevanhu vawo.+ 15 Basa ngariitwe pamazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata rokuzorora zvakakwana.+ Iro chinhu chitsvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa pazuva resabata chokwadi achaurayiwa. 16 Vanakomana vaIsraeri vanofanira kuchengeta sabata, kuti vaite sabata muzvizvarwa zvavo zvose. Iyo isungano nokusingagumi.+ 17 Iyo chiratidzo nokusingagumi pakati pangu nevanakomana vaIsraeri,+ nokuti Jehovha akaita matenga nenyika pamazuva matanhatu uye pazuva rechinomwe akazorora, akazvisimbisa.’”+
18 Zvino paakangopedza kutaura naye vari muGomo reSinai, akapa Mosesi mahwendefa maviri eChipupuriro,+ mahwendefa edombo akanga akanyorwa nomunwe waMwari.+