Ezekieri
23 Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri,+ richiti: 2 “Mwanakomana womunhu, kwaiva nevakadzi vaviri, vanasikana vaamai vamwe chete.+ 3 Vakatanga kuita zvechipfambi kuIjipiti.+ Vakaita upfambi vachiri vaduku.+ Mazamu avo akabatwa-batwa ikoko,+ uye zvipfuva zvoumhandara hwavo zvakafungatirwa ikoko. 4 Mukuru wacho ainzi Ohora uye munun’una wake ainzi Ohoribha, vakava vangu,+ vakatanga kubereka vanakomana nevanasikana.+ Zvino kana ari mazita avo, Ohora iSamariya,+ uye Ohoribha iJerusarema.+
5 “Zvino Ohora akatanga kuita zvoupfambi,+ iye achiri pasi pangu, uye akaramba achichiva vaya vaimuda kwazvo,+ ivo vaAsiriya,+ vaiva pedyo, 6 magavhuna aipfeka machira ebhuruu, nevatevedzeri vevatongi—majaya akanaka, ose zvawo, varwi vaitasva mabhiza. 7 Akaramba achiita upfambi hwake navo, ivo vanakomana vakanaka kwazvo vokuAsiriya, vose zvavo; uye akazvisvibisa+ navose vaya vaaichiva—pamwe chete nezvidhori zvavo zvinosemesa sendove. 8 Haana kurega upfambi hwake hwaakabva nahwo kuIjipiti, nokuti vakanga varara naye achiri muduku, uye ndivo vakafungatira chipfuva choumhandara hwake, vakaramba vachidururira unzenza hwavo paari.+ 9 Naizvozvo ndakamuisa mumaoko evaya vaimuda kwazvo,+ mumaoko evanakomana vokuAsiriya, vaakanga achiva.+ 10 Ndivo vakamufukura.+ Ivo vakatora vanakomana vake nevanasikana vake,+ iye vakamuuraya nebakatwa. Akava nomukurumbira wakashata pakati pevamwe vakadzi, uye vakamutonga.
11 “Zvino munun’una wake Ohoribha paakazviona,+ akabva ada kufadza nyama zvinoparadza kupfuura zvakaitwa naiye, uye akaita upfambi kupfuura ufeve hwomukoma wake.+ 12 Nokuti akachiva vanakomana vokuAsiriya,+ magavhuna nevatevedzeri vevatongi vaiva pedyo, vaipfeka zvakanaka kwazvo, varwi vaitasva mabhiza—iwo majaya akanga akanaka kwazvo, ose zvawo.+ 13 Zvino ndakaona kuti, zvaakanga azvisvibisa, vose vari vaviri vakafamba nenzira imwe chete.+ 14 Akaramba achiwedzera mabasa ake oupfambi paakaona mifananidzo yevarume yakaita zvokutemerwa yaiva pamadziro,+ iyo mifananidzo+ yevaKadheya yakaiswa zvitsvuku,+ 15 vakasunga muhudyu mavo nemabhandi,+ vaine ngowani dzinorembera mumisoro yavo, vakaita sevarwi, vose zvavo, vakafanana nevanakomana vokuBhabhironi, vakaberekerwa munyika yevaKadheya. 16 Zvino akatanga kuvachiva paakangovaona,+ akavatumira nhume kuKadheya.+ 17 Vanakomana vokuBhabhironi vakaramba vachipinda maaiva, pamubhedha wokuratidzirana rudo, vachimusvibisa nounzenza hwavo;+ uye akaramba achisvibiswa navo, uye mweya wake wakavafuratira, wanyangadzwa navo.
18 “Zvino akafukura mabasa ake oupfambi, akafukura kusapfeka kwake,+ zvokuti mweya wangu wakamufuratira, wanyangadzwa naye, sokufuratira kwakanga kwaita mweya wangu mukoma wake, wanyangadzwa naye.+ 19 Akaramba achiwedzera mabasa ake oupfambi+ kusvikira ayeuka mazuva ouduku hwake,+ paakaita zvoupfambi ari munyika yeIjipiti.+ 20 Akaramba achichiva sezvinoita varongo vevaya vane nhengo dzomuviri dzakaita senhengo dzembongoro hono uye vane nhengo dzokubereka nadzo dzakaita senhengo dzokubereka nadzo dzemabhiza makono.+ 21 Iwe wakaramba uchifunga nezvokusazvibata kwawakaita uchiri muduku nokufungatirwa kwakaitwa chipfuva chako kubvira kuIjipiti,+ uchiitira mazamu ouduku hwako.+
22 “Naizvozvo, haiwa iwe Ohoribha, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarira ndichaita kuti vadiwa vako vakumukire,+ vaya vakafuratirwa nomweya wako, wanyangadzwa navo, uye ndichavaunza kuti vakurwise kumativi ose,+ 23 vanakomana vokuBhabhironi+ nevaKadheya+ vose, Pekodhi+ naShoa naKoa, vanakomana vose vokuAsiriya vari pamwe chete navo, majaya akanaka, magavhuna nevatevedzeri vevatongi, vose zvavo, varwi nevakashevedzwa, vanotasva mabhiza, vose zvavo. 24 Vachauya kuzokurwisa nokutinhira kwengoro dzehondo nemavhiri,+ neungano yemarudzi, nenhoo huru nenhoo duku nengowani. Vachaenda kumativi ose kuti vakurwise, ini ndichavapa simba rokutonga, uye ivo vachakutonga nemitongo yavo.+ 25 Ndichakuratidza shungu dzangu,+ uye ivo vachakurwisa vakashatirwa.+ Vachabvisa mhino yako nenzeve dzako, uye zvichasara pauri zvichaparara nebakatwa. Vachatora+ vanakomana vako nevanasikana vako,+ uye zvinhu zvako zvichasara vachazviparadza nomoto.+ 26 Vachakupfekenura nguo dzako,+ votora zvinhu zvako zvakanaka.+ 27 Ndichagumisa kusazvibata kwako,+ noupfambi hwako hwawakabva nahwo kunyika yeIjipiti;+ uye hauzozvitariri, hauzoyeukizve Ijipiti.’
28 “Nokuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarira ndichakuisa mumaoko evaya vawakavenga, mumaoko evaya vakafuratirwa nomweya wako, wanyangadzwa navo.+ 29 Vachaita chimwe chinhu kwauri vachikuvenga, votora zvinhu zvako zvose zvawakashandira zvakaoma, vokusiya usina kupfeka uye uri mushutu;+ uye kubudiswa pachena kwemabasa ako okufeva nokusazvibata kwako nemabasa ako oupfambi zvichafumurwa.+ 30 Uchaitirwa zvinhu izvi nokuti wakatevera mamwe marudzi sezvinoitwa nepfambi,+ nokuti wakazvisvibisa nezvidhori zvavo zvinosemesa sendove.+ 31 Wakafamba munzira yomukoma wako;+ uye ndichaisa kapu yake muruoko rwako.’+
32 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Uchanwira mukapu yomukoma wako, iya yakadzika uye yakafara.+ Uchava chinhu chinosekwa nechinonyombwa, nokuti kapu yacho ine zvizhinji.+ 33 Uchazara nokudhakwa neshungu, nekapu yokukatyamara neyokuparadzwa, iyo kapu yomukoma wako Samariya. 34 Uchanwira mairi wopedza yose,+ uchan’un’una zvayenga zvayo zvevhu, uye uchadzura mazamu ako.+ “Nokuti ini ndazvitaura,” ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.’
35 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvawakandikanganwa,+ ukandirasira shure kwako,+ iwewo une mhosva yokusazvibata kwako neyemabasa ako oupfambi.’”
36 Zvino Jehovha akati kwandiri: “Mwanakomana womunhu, uchatonga+ Ohora naOhoribha+ wovaudza nezvezvinhu zvavo zvinosemesa here?+ 37 Nokuti vakaita upombwe,+ maoko avo ane ropa,+ uye vakaita upombwe nezvidhori zvavo zvinosemesa sendove.+ Uyewo, vanakomana vavo vavakanga vandiberekera vakaita kuti vapinde mumoto kuti vave zvokudya zvazvo.+ 38 Uyewo, izvi ndizvo zvavakandiitira: Vakasvibisa+ nzvimbo yangu tsvene+ pazuva iroro, uye vakasvibisa masabata angu.+ 39 Pavakanga vauraya vana vavo nokuda kwezvidhori zvavo zvinosemesa sendove,+ ivo vakapindawo munzvimbo yangu tsvene pazuva iroro kuti vaisvibise,+ uye tarira! ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.+ 40 Kuwedzera kune izvozvo, pavakatumira shoko kuvarume vaibva kure, vakanga vatumirwa nhume,+ zvino tarira! ivo vakabva vauya,+ ivo vawakanga wagezera,+ ukapenda maziso ako+ uye ukapfeka zvishongo.+ 41 Iwe wakagara pamubhedha unokosha kwazvo,+ pamberi pawo paine tafura yezvokudya yakagadzirwa,+ uye wakaisa rusenzi+ yangu nemafuta angu pamusoro payo.+ 42 Inzwi reboka revanhu vakagara zvakanaka raiva maari,+ uye pavarume vakabva kuvanhu vazhinji paiva nezvidhakwa+ zvaiunzwa zvichibva kurenje, zvakaisa zvishongo pamaoko evakadzi vacho nekorona dzakanaka mumisoro yavo.+
43 “Zvino ndakati kuna iye akanga apera noupombwe,+ ‘Zvino acharamba achiita upfambi hwake, iye wacho.’+ 44 Vakaramba vachipinda maaiva, sokupinda kunoita munhu munenge muine mukadzi pfambi; vakapindawo saizvozvo maiva naOhora naOhoribha zvavaiva vakadzi vasingazvibati.+ 45 Asi varume vakarurama,+ ndivo vachamutonga nomutongo wemhombwekadzi+ uye nomutongo wevanhukadzi vanoteura ropa;+ nokuti ivo imhombwekadzi, uye maoko avo ane ropa.+
46 “Nokuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndichaita kuti ungano iuye kuzovarwisa+ uye ndichaita kuti vave chinhu chinotyisa nechinhu chokupamba.+ 47 Ungano yacho ichavatema nematombo,+ uye vachatemwa nemapakatwa avo. Vachauraya vanakomana vavo nevanasikana vavo,+ uye vachapisa dzimba dzavo nomoto.+ 48 Ndichaita kuti kusazvibata+ kugume munyika yacho,+ vakadzi vose vachafanira kubvuma kururamiswa nazvo, kuti varege kuita maererano nokusazvibata kwenyu.+ 49 Vachaunza kusazvibata kwenyu pamusoro penyu,+ muchava nemhosva yezvivi zvezvidhori zvenyu zvinosemesa sendove; uye imi muchaziva kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.’”+