Revhitiko
24 Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti: 2 “Rayira vanakomana vaIsraeri kuti vakuunzire mafuta omuorivhi akanaka, akaita zvokudzvurwa, echinovheneka,+ kuti abvirise rambi nguva dzose.+ 3 Aroni ngaachiise kunze kweketeni reChipupuriro mutende rokusanganira kuti chibvire kubvira manheru kusvikira mangwanani pamberi paJehovha nguva dzose. Uyu murau nokusingagumi muzvizvarwa zvenyu zvose. 4 Ngaaronge marambi+ acho pachigadziko+ chendarama chaiyo pamberi paJehovha nguva dzose.+
5 “Zvino unofanira kutora furawa yakatsetseka, wobika makeke gumi nemaviri akaita serin’i. Keke rimwe nerimwe rakaita serin’i rinofanira kuva nezvegumi zviviri zveefa. 6 Uaronge akaitwa nhurikidzwa mbiri, matanhatu panhurikidzwa imwe,+ pamusoro petafura yendarama chaiyo pamberi paJehovha.+ 7 Uise zvinonhuhwirira zvichena pamusoro penhurikidzwa imwe neimwe, kuti zvive chingwa chokuyeuchidza nacho,+ chinopiwa chinopisirwa Jehovha nomoto. 8 Ngaachironge pamberi paJehovha nguva dzose, pazuva rimwe nerimwe resabata.+ Iyi isungano nokusingagumi nevanakomana vaIsraeri. 9 Ngachive chaAroni nechevanakomana vake,+ ngavachidyire munzvimbo tsvene,+ nokuti chinhu chitsvenetsvene kwaari chinobva pazvinopiwa zvinopisirwa Jehovha nomoto, kuti uve murau nokusingagumi.”
10 Zvino mwanakomana womumwe mukadzi muIsraeri, asi ari mwanakomana womurume muIjipiti,+ akabuda, akapinda pakati pevanakomana vaIsraeri, uye mwanakomana wacho womukadzi muIsraeri nomumwe murume muIsraeri vakatanga kurwisana+ vari mumusasa. 11 Mwanakomana womukadzi wacho muIsraeri akatanga kumhura zita raMwari+ nokurituka.+ Naizvozvo vakauya naye kuna Mosesi.+ Sezvineiwo, amai vake vainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibri wedzinza raDhani. 12 Vakabva vamusunga+ kusvikira vaziviswa zviri pachena maererano nezvaizotaurwa naJehovha.+
13 Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti: 14 “Budisa uya atuka kunze kwomusasa;+ vose vaya vakamunzwa ngavaise maoko avo+ pamusoro wake, uye ungano yose ngaimuteme nematombo.+ 15 Zvino iwe utaure nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Kana chero munhu upi zvake akatuka Mwari wake, anofanira kuzvidavirira chivi chake. 16 Naizvozvo munhu anomhura zita raJehovha chokwadi anofanira kuurayiwa.+ Ungano yose inofanira kumutema nematombo. Mutorwa pamwe chete newomunyika yacho vanofanira kuurayirwa kumhura Zita racho.+
17 “‘Zvino kana munhu akarova mweya womunhu ukafa, chokwadi iye anofanira kuurayiwa.+ 18 Anouraya mweya wechipfuwo anofanira kuuripa, mweya nokuda kwomweya.+ 19 Kana munhu akaremadza mumwe wake, anofanira kuitirwawo sezvaakaita.+ 20 Kutyoka kuchatsiviwa nokutyoka, ziso neziso, zino nezino; chero kuremadza kwaangaita munhu, ndiko kwaanofanira kuitirwawo.+ 21 Anouraya mhuka+ anofanira kuiripa,+ asi anouraya munhu anofanira kuurayiwawo.+
22 “‘Mutongo mumwe chete unofanira kushanda kwamuri. Mutorwa anofanira kuva akangofanana nomunhu womunyika yacho,+ nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”+
23 Pashure paizvozvo Mosesi akataura nevanakomana vaIsraeri, vakabudisa uya akanga atuka kunze kwomusasa, vakamutema nematombo.+ Nokudaro vanakomana vaIsraeri vakaita chaizvo zvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha.