Bhuku Rechipiri reMakoronike
27 Jotamu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Amai vake vainzi Jerushaa, mwanasikana waZadhoki.+ 2 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uziya,+ asi iye haana kuzopinda mutemberi yaJehovha+ nechisimba. Zvisinei vanhu vakanga vachiri kuita zvakaipa. 3 Akavaka gedhi rekumusoro reimba yaJehovha,+ uye akaitawo basa guru rekuvaka parusvingo rweOferi.+ 4 Akavakawo maguta+ munyika ine makomo yaJudha,+ uye akavaka nhare*+ neshongwe+ mumasango. 5 Akarwa namambo wevaAmoni,+ uye akazovakunda, zvekuti mugore iroro vaAmoni vakamupa matarenda* 100 esirivha, nemakori* 10 000 egorosi, ne10 000 ebhari. VaAmoni vakamubhadharawo zvinhu izvi gore rechipiri nerechitatu.+ 6 Saka Jotamu akaramba achiwedzera kuva nesimba, nekuti akazvipira kufamba munzira dzaJehovha Mwari wake.
7 Kana iri nhoroondo yese yaJotamu, kurwa kwake kwese uye nzira dzake, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo eIsraeri neeJudha.+ 8 Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema.+ 9 Jotamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muGuta raDhavhidhi.+ Uye mwanakomana wake Ahazi akava mambo panzvimbo yake.+