Isaya
Nekuti yaparadzwa neusiku humwe chete,
Ari+ yeMoabhi yanyararidzwa.
Nekuti yaparadzwa neusiku humwe chete,
Kiri+ yeMoabhi yanyararidzwa.
Moabhi inoungudza pamusoro peNebho+ nepamusoro peMedhebha.+
Misoro yese yagerwa muparavara,+ ndebvu dzese dzachekererwa.+
3 Vakapfeka masaga vari mumigwagwa yayo.
Vese vanoridza mhere vari pamatenga edzimba dzavo uye mumisika yavo;
Vanoburuka vachisvimha misodzi.+
Ndokusaka varume veMoabhi vane zvombo vachiramba vachishevedzera.
Iye ari kudedera.*
5 Mwoyo wangu unoshevedzera pamusoro peMoabhi.
Vanhu vayo vari kutiza vasvika kuZoari+ neEgrati-sherishiya.+
Vanochema sezvavanokwidza pamukwidza weRuhiti;
Vanochema nezvenjodzi yacho sezvavanoenda kuHoronaimu.+
7 Ndokusaka vachitakura zvasara munochengeterwa zvinhu zvavo uye papfuma yavo;
Vari kuyambuka bani remiti* yemishambangwena.
8 Nekuti kuchema kwacho kunoita maungira munharaunda yese yeMoabhi.+
Kuungudza kwacho kunosvika kuEgraimu;
Kuungudza kwacho kunosvika kuBheeri-erimu.
9 Nekuti mvura yepanzvimbo inonzi Dhimoni yazara ropa,
Uye ndine zvimwe zvekuunza paDhimoni:
Shumba pane vaya vanopukunyuka veMoabhi
Uye pane vaya vasara munyika yacho.+