Eksodho 32:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Iye akabva atora ndarama yacho pamaoko avo, akaigadzira+ nechokuvezesa, akaigadzirisa mufananidzo wemhuru wakaumbwa nezvakanyungudutswa.+ Ivo vakatanga kuti: “Haiwa iwe Israeri, uyu ndiye Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti.”+ Dhanieri 5:4 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Vakanwa waini, vakarumbidza vanamwari vendarama nevesirivha, mhangura, simbi, matanda nematombo.+ Mabasa 17:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 “Naizvozvo, zvatiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari+ akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu.+
4 Iye akabva atora ndarama yacho pamaoko avo, akaigadzira+ nechokuvezesa, akaigadzirisa mufananidzo wemhuru wakaumbwa nezvakanyungudutswa.+ Ivo vakatanga kuti: “Haiwa iwe Israeri, uyu ndiye Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti.”+
29 “Naizvozvo, zvatiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari+ akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu.+