Dhanieri
5 Zvino mambo Bheshazari+ akaitira makurukota ake ane chiuru mutambo mukuru, uye akanga achinwa waini+ ari pamberi pevanhu vacho vane chiuru. 2 Bheshazari, adhakwa newaini,+ akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama neyesirivha+ yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kutemberi yaiva muJerusarema, kuti mambo nemakurukota ake, nevarongo vake nemamwe madzimai ake vanwire imomo.+ 3 Panguva iyoyo vakauya nemidziyo yendarama yavakanga vatora kutemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusarema, mambo nemakurukota ake, varongo vake nemamwe madzimai ake vakanwira imomo. 4 Vakanwa waini, vakarumbidza vanamwari vendarama nevesirivha, mhangura, simbi, matanda nematombo.+
5 Panguva iyoyo minwe yoruoko rwomunhu yakauya, ikanyora pamberi pechigadziko cherambi pamadziro akadzururwa omuzinda wamambo,+ uye mambo akanga achiona seri kworuoko rwakanga ruchinyora. 6 Panguva iyoyo, chiso chamambo chakachinja, pfungwa dzake dzikaita kuti atye,+ munobatana mapfupa nechomuhudyu make mukati regwede,+ mabvi ake akagwagwadza.+
7 Mambo akashevedzera kwazvo kuti vauye nen’anga, vaKadheya nevazivi venyeredzi.+ Mambo akapindura akati kuvarume vakachenjera veBhabhironi: “Ani naani achaverenga zvakanyorwa izvi, ozvidudzira kwandiri, achapfekedzwa nguo dzepepuru,+ nechishongo chendarama muhuro make, uye achatonga muumambo ari wechitatu.”+
8 Panguva iyoyo varume vose vakachenjera vamambo vakapinda, asi havana kukwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa kana kuzivisa mambo kududzirwa kwazvo.+ 9 Naizvozvo Mambo Bheshazari akatya kwazvo, chiso chake chikachinja; uye makurukota ake akavhiringidzika.+
10 Zvino mambokadzi akapinda muimba yemabiko nokuda kwemashoko amambo nemakurukota ake. Mambokadzi akapindura, akati: “Haiwa imi mambo, rambai muchirarama nokusingagumi.+ Pfungwa dzenyu ngadzirege kuita kuti mutye, uye chiso chenyu ngachirege kuchinja. 11 Muumambo hwenyu mune mumwe murume anokwanisa ane mudzimu wavanamwari vatsvene;+ uye kuvhenekerwa, njere nouchenjeri hwakafanana nouchenjeri hwavanamwari zvaiva maari mumazuva ababa venyu, uye baba venyu Mambo Nebhukadhinezari, ivo baba venyu, haiwa imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru+ wevapristi vanoita zvemashiripiti, n’anga, vaKadheya nevazivi venyeredzi; 12 nokuti mudzimu unoshamisa nezivo nenjere dzokududzira hope+ nokutsanangura zvirahwe nokusunungura mapfundo zvakawanikwa maari,+ muna Dhanieri, iye akatumidzwa kuti Bheteshazari+ namambo. Zvino Dhanieri ngaashevedzwe, kuti akuudzei kududzirwa kwacho.”
13 Naizvozvo Dhanieri akaunzwa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri: “Ndiwe Dhanieri mumwe wenhapwa dzaJudha,+ dzakatorwa kuJudha namambo, ivo baba vangu here?+ 14 Ndanzwawo pamusoro pako kuti mudzimu wavanamwari uri mauri,+ uye kuvhenekerwa, njere nouchenjeri+ hunoshamisa zviri mauri. 15 Zvino varume vakachenjera nen’anga vaunzwa pamberi pangu, kuti vaverenge zvakanyorwa izvi, uyewo kuti vandizivise kududzirwa kwazvo; asi havasi kukwanisa kundiudza kududzirwa kweshoko racho.+ 16 Zvino ini ndanzwa nezvako, kuti unokwanisa kududzira+ nokusunungura mapfundo. Zvino, kana uchikwanisa kuverenga zvakanyorwa zvacho nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchapfekedzwa nguo dzepepuru, nechishongo chendarama muhuro mako, uye uchatonga muumambo uri wechitatu.”+
17 Panguva iyoyo Dhanieri akapindura ari pamberi pamambo akati: “Garai henyu nezvipo zvenyu, uye ipai henyu vamwe zvipo zvenyu.+ Zvisinei, ndichaverengera mambo zvakanyorwa zvacho, uye ndichamuzivisa kududzirwa kwazvo.+ 18 Kana murimi, haiwa mambo, Mwari Wokumusorosoro+ akapa baba+ venyu Nebhukadhinezari umambo noukuru nokukudzwa nouchangamire.+ 19 Nokuda kwoukuru uhwo Iye akamupa, vanhu vose, mapoka emarudzi nemitauro vaibvunda pamberi pake uye vaimutya.+ Aiuraya waaida kuuraya; aibaya waaida kubaya; aikwidziridza waaida kukwidziridza; uye aininipisa waaida kuninipisa.+ 20 Asi mwoyo wake pawakazvikudza akava akaoma, akazvikudza,+ akabviswa pachigaro choumambo hwake, akatorerwa kukudzwa kwake.+ 21 Akadzingwa pakati pevanakomana vevanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka, uye akagara pamwe chete nembongoro dzomusango.+ Vaimupa uswa kuti adye sezvinoita nzombe, muviri wake wakanyoroveswa nedova rokumatenga,+ kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwevanhu, uye kuti anogadza waanoda pahuri.+
22 “Asi imi, mwanakomana wake Bheshazari,+ hamuna kuninipisa mwoyo wenyu,+ kunyange maiziva zvose izvi.+ 23 Asi makazvikwidziridza kuna Ishe wokumatenga,+ uye vatouya pamberi penyu nemidziyo yeimba yake;+ uye imi nemakurukota enyu, varongo venyu nemamwe madzimai enyu mave muchinwira mairi, marumbidza vanamwariwo zvavo vesirivha nevendarama, mhangura, simbi, matanda nematombo,+ vasingaoni chinhu kana kunzwa chinhu kana kuziva chinhu;+ asi hamuna kukudza+ Mwari ane mhepo yenyu yokufema+ muruoko rwake uye ane nzira dzenyu dzose.+ 24 Naizvozvo chanza choruoko chatumwa kubva kwaari, mashoko aya akanyorwa.+ 25 Zvino mashoko acho anyorwa ndeaya: MENE, MENE, TEKERI uye PASINI.
26 “Uku ndiko kududzirwa kweshoko racho: MENE, Mwari averenga mazuva oumambo hwenyu akahugumisa.+
27 “TEKERI, mayerwa muchikero mukawanikwa musina kukwana.+
28 “PERESI, umambo hwenyu hwakamurwa hukapiwa vaMedhiya nevaPezhiya.”+
29 Panguva iyoyo Bheshazari akarayira, ivo vakapfekedza Dhanieri nguo dzepepuru, nechishongo chendarama muhuro make; uye vakazivisa nezvake kuti aizova mutongi wechitatu muumambo hwacho.+
30 Usiku ihwohwo Bheshazari mambo wevaKadheya akaurayiwa,+ 31 Dhariyasi+ muMedhiya akagamuchira umambo hwacho, paaiva nemakore anenge makumi matanhatu nemaviri.