Numeri 16:40 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 40 kuti ive chiyeuchidzo kuvanakomana vaIsraeri, kuti kurege kuva nomumwe munhuwo zvake+ asiri wevana vaAroni angaswedera pedyo kuti aite kuti rusenzi ipfungaire pamberi paJehovha,+ uye kuti kurege kuva nomunhu angaita saKora neungano yake,+ sezvaakanga audzwa naJehovha achishandisa Mosesi. 1 Samueri 6:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Iye akauraya varume vokuBheti-shemeshi,+ nokuti vakanga vatarira areka yaJehovha. Naizvozvo akauraya varume makumi manomwe pavanhu vacho—varume zviuru makumi mashanu—uye vanhu vakatanga kuchema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu vazhinji.+ 2 Makoronike 26:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Zvisinei, paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza+ kusvikira pakuita zvakashata,+ zvokuti akava asina kutendeka pamberi paJehovha Mwari wake, akapinda mutemberi yaJehovha kuti apisire rusenzi paatari yerusenzi.+
40 kuti ive chiyeuchidzo kuvanakomana vaIsraeri, kuti kurege kuva nomumwe munhuwo zvake+ asiri wevana vaAroni angaswedera pedyo kuti aite kuti rusenzi ipfungaire pamberi paJehovha,+ uye kuti kurege kuva nomunhu angaita saKora neungano yake,+ sezvaakanga audzwa naJehovha achishandisa Mosesi.
19 Iye akauraya varume vokuBheti-shemeshi,+ nokuti vakanga vatarira areka yaJehovha. Naizvozvo akauraya varume makumi manomwe pavanhu vacho—varume zviuru makumi mashanu—uye vanhu vakatanga kuchema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu vazhinji.+
16 Zvisinei, paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza+ kusvikira pakuita zvakashata,+ zvokuti akava asina kutendeka pamberi paJehovha Mwari wake, akapinda mutemberi yaJehovha kuti apisire rusenzi paatari yerusenzi.+