Dheuteronomi 8:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Unonyatsoziva nomwoyo wako kuti sokururamisa kunoita munhu mwanakomana wake, Jehovha Mwari wako aikururamisa.+ Zvirevo 13:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Munhu anorega shamhu yake anovenga mwanakomana wake,+ asi anomuda ndiye anotsvaka kumuranga.+ Zvirevo 19:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 Ranga mwanakomana wako pachine tariro;+ uye mweya wako ngaurege kuva nechido chokumuuraya.+ Zvirevo 23:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Usarega kuranga mukomana.+ Kana ukamurova neshamhu, iye haangafi. VaHebheru 12:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Uyezve, taimbova navanababa venyama vakaita sesu vaitiranga,+ uye taivaremekedza. Zvino isu hatifaniri here kuzviisa pasi paBaba voupenyu hwedu hwomudzimu zvakatonyanya kuti tirarame?+
5 Unonyatsoziva nomwoyo wako kuti sokururamisa kunoita munhu mwanakomana wake, Jehovha Mwari wako aikururamisa.+
9 Uyezve, taimbova navanababa venyama vakaita sesu vaitiranga,+ uye taivaremekedza. Zvino isu hatifaniri here kuzviisa pasi paBaba voupenyu hwedu hwomudzimu zvakatonyanya kuti tirarame?+