VaHebheru
12 Naizvozvo, zvatiine gore guru kudai rezvapupu+ rakatikomba, ngatibviseiwo zvinhu zvose zvinorema+ nechivi chinotipingirisha+ nyore nyore uye ngatimhanyei nokutsungirira+ nhangemutange+ yakaiswa pamberi pedu,+ 2 sezvatinoramba takatarira Mumiririri Mukuru+ uye Mukwanisi wokutenda kwedu,+ iye Jesu. Iye akatsungirira+ padanda rokutambudzikira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, asina hanya nokunyadziswa, uye akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.+ 3 Chokwadi, nyatsofungai iye akatsungirira kutaura kwokukakavara kwakadaro+ kwevatadzi avo vairwisa zvinhu zvinovabatsira, kuti murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.+
4 Pakurwisana kwenyu nechivi ichocho hamusati mamborwisa kusvika pakubuda ropa,+ 5 asi makanganwa zvachose kurayira kunokudanai sevanakomana+ kuchiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kunobva kuna Jehovha, uyewo usapera simba paunoruramiswa naye;+ 6 nokuti Jehovha anoranga waanoda; chokwadi, anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”+
7 Imi muri kutsungirira kuti murangwe.+ Mwari ari kukubatai sezvaanoita vanakomana.+ Nokuti ndoupi mwanakomana uyo baba vasingarangi?+ 8 Asi kana musingarangwi sezvinoitwa vose, chokwadi hamusi vana vepamutemo,+ uye hamusi vanakomana. 9 Uyezve, taimbova navanababa venyama vakaita sesu vaitiranga,+ uye taivaremekedza. Zvino isu hatifaniri here kuzviisa pasi paBaba voupenyu hwedu hwomudzimu zvakatonyanya kuti tirarame?+ 10 Nokuti ivo vaitiranga kwemazuva mashoma maererano nezvaiita sezvakanaka kwavari,+ asi iye anoita saizvozvo kuti tibatsirwe, kuti tigoverane utsvene hwake.+ 11 Chokwadi, hapana kurangwa kunoita sokunofadza panguva ino, asi kunoshungurudza;+ pashure kwozoberekera vakarovedzwa nakwo chibereko chine rugare,+ iko kururama.+
12 Nokudaro twasanudzai maoko anorembera+ nemabvi asina simba,+ 13 uye rambai muchigadzirira tsoka dzenyu+ nzira dzakarurama, kuti chinokamhina chirege kushodogoka, asi kuti chiporeswe.+ 14 Teverai rugare nevanhu vose,+ noutsvene+ nokuti kana ihwo husipo hapana munhu angazoona Ishe,+ 15 muchinyatsochenjerera kuti hapana munhu angashayiswa mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari;+ kuti parege kuva nomudzi une muchetura+ unomuka wokonzera dambudziko uye kuti vazhinji varege kusvibiswa nawo;+ 16 kuti parege kuva nechifeve kana munhu asingaongi zvinhu zvitsvene, saIsau,+ uyo akatsinhanisa udangwe hwake nokudya kumwe chete.+ 17 Nokuti munoziva kuti pashure pachowo paakada kugara nhaka yechikomborero+ iye akarambwa,+ nokuti, kunyange zvazvo akatsvaka nomwoyo wose kushandurwa kwepfungwa nemisodzi,+ haana kukuwanira nzvimbo.+
18 Nokuti hamuna kuswedera pedyo nechiya chinogona kubatwa+ uye chakapiswa nomoto,+ negore dema nerima gobvu nemhepo ine mvura,+ 19 nokurira kwebhosvo+ nenzwi remashoko;+ pavakanzwa inzwi iroro vanhu vakakumbira kuti parege kuva neshoko rinowedzerwa kwavari.+ 20 Nokuti murayiro uyu wakanga wakaoma kuti vautsungirire, waiti: “Kana mhuka ikagunzva gomo racho, inofanira kutemwa nematombo.”+ 21 Uyewo, zvakaratidzwa zvacho zvaityisa kwazvo zvokuti Mosesi akati: “Ndiri kutya uye ndiri kudedera.”+ 22 Asi imi maswedera kuGomo reZiyoni,+ uye kuguta+ raMwari mupenyu, iro Jerusarema rokudenga,+ nokumakumi ezviuru engirozi,+ 23 mugungano revanhu vose,+ neungano yematangwe+ akanyorwa+ kumatenga, uye Mwari Mutongi wevanhu vose,+ noupenyu hwomudzimu+ hwevanhu vakarurama vakaitwa vakakwana,+ 24 naJesu murevereri+ wesungano itsva,+ neropa rokusasa,+ rinotaura zviri nani kupfuura ropa raAbheri.+
25 Onai kuti hamurambi iye ari kutaura.+ Nokuti kana avo vakaramba uyo akanga achipa nyevero yaMwari panyika+ vasina kupukunyuka, isuwo hatingapukunyuki kana tikafuratira uyo anotaura ari kumatenga.+ 26 Panguva iyoyo inzwi rake rakazunungusa nyika,+ asi zvino akapikira, achiti: “Ndichadederesa zvakare kwete nyika chete asi dengawo.”+ 27 Zvino kutaura kwokuti “Zvakare” kunoreva kubviswa kwezvinhu zviri kuzununguswa sezvinhu zvakaitwa,+ kuti zvinhu zvisiri kuzununguswa zvirambe zviripo.+ 28 Saka, zvatichagamuchira umambo husingazununguswi,+ ngatirambei tiine mutsa usina kukodzera kuwanwa, uyo watingaitira nawo Mwari basa dzvene zvinogamuchirika nokumutya nokumuremekedza.+ 29 Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.+