Eksodho 28:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 “Zvino iwe swededza pedyo newe Aroni mukoma wako nevanakomana vake vaainavo vabve pakati pevanakomana vaIsraeri kuti ave mupristi wangu,+ Aroni,+ Nadhabhi naAbhihu,+ Eriyezari naItamari,+ vanakomana vaAroni. Numeri 3:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Unofanira kugadza Aroni nevanakomana vake, ngavaite upristi hwavo;+ uye mumwe munhuwo zvake anoswedera pedyo anofanira kuurayiwa.”+ Dheuteronomi 10:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 “Panguva iyoyo chaiyo Jehovha akatsaura dzinza raRevhi+ kuti ritakure areka yesungano yaJehovha,+ kuti rimire pamberi paJehovha, rimushumire+ uye rikomborere richishandisa zita rake kusvikira nhasi.+ Dheuteronomi 17:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Munhu achazvikudza nokusateerera mupristi ari kumira ikoko kuti ashumire Jehovha Mwari wako kana kuti mutongi,+ munhu iyeye anofanira kufa;+ unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.+
28 “Zvino iwe swededza pedyo newe Aroni mukoma wako nevanakomana vake vaainavo vabve pakati pevanakomana vaIsraeri kuti ave mupristi wangu,+ Aroni,+ Nadhabhi naAbhihu,+ Eriyezari naItamari,+ vanakomana vaAroni.
10 Unofanira kugadza Aroni nevanakomana vake, ngavaite upristi hwavo;+ uye mumwe munhuwo zvake anoswedera pedyo anofanira kuurayiwa.”+
8 “Panguva iyoyo chaiyo Jehovha akatsaura dzinza raRevhi+ kuti ritakure areka yesungano yaJehovha,+ kuti rimire pamberi paJehovha, rimushumire+ uye rikomborere richishandisa zita rake kusvikira nhasi.+
12 Munhu achazvikudza nokusateerera mupristi ari kumira ikoko kuti ashumire Jehovha Mwari wako kana kuti mutongi,+ munhu iyeye anofanira kufa;+ unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.+