Esteri 8:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Kana ari Modhekai, akabva pamberi pamambo akapfeka zvipfeko zvoumambo+ zvebhuruu nejira rerineni, nekorona huru yendarama, nejasi rejira rakanaka kwazvo,+ uye reshinda yepepuru yakatsvukuruka.+ Guta reShushani rakapururudza uye raifara.+ Jeremiya 10:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Sirivha yakapfurwa ikava nhetenhete ndiyo inounzwa ichibva kuTashishi,+ uye ndarama inobva kuUfazi,+ basa remhizha uye remaoko omupfuri wesimbi; zvipfeko zvavo ndezveshinda yebhuruu nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka. Zvose ibasa renyanzvi.+ Ezekieri 27:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Jira rako rakatambanudzwa raiva rerineni yokuIjipiti ine mavara mavara,+ kuti rive seiri rengarava yako. Shinda yebhuruu+ nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru+ yakatsvukuruka zvinobva kuzvitsuwa zveErishaa+ ndizvo zvaiva chokufukidzisa nzvimbo yepamusoro pengarava yako.
15 Kana ari Modhekai, akabva pamberi pamambo akapfeka zvipfeko zvoumambo+ zvebhuruu nejira rerineni, nekorona huru yendarama, nejasi rejira rakanaka kwazvo,+ uye reshinda yepepuru yakatsvukuruka.+ Guta reShushani rakapururudza uye raifara.+
9 Sirivha yakapfurwa ikava nhetenhete ndiyo inounzwa ichibva kuTashishi,+ uye ndarama inobva kuUfazi,+ basa remhizha uye remaoko omupfuri wesimbi; zvipfeko zvavo ndezveshinda yebhuruu nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka. Zvose ibasa renyanzvi.+
7 Jira rako rakatambanudzwa raiva rerineni yokuIjipiti ine mavara mavara,+ kuti rive seiri rengarava yako. Shinda yebhuruu+ nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru+ yakatsvukuruka zvinobva kuzvitsuwa zveErishaa+ ndizvo zvaiva chokufukidzisa nzvimbo yepamusoro pengarava yako.