Jeremiya
10 Inzwai shoko rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, haiwa imi imba yaIsraeri. 2 Zvanzi naJehovha: “Musambodzidza nzira yemamwe marudzi,+ uye musavhundutswa nezviratidzo zvokumatenga, nokuti mamwe marudzi anovhundutswa nazvo.+ 3 Nokuti tsika dzemarudzi+ acho imhepowo zvayo inobudiswa pakufema, nokuti munhu atema mutiwo zvawo+ womusango, basa remaoko emhizha inoveza nechokuvezesa.+ 4 Anounakisa nesirivha nendarama.+ Vanoiroverera pasi nezvipikiri nenyundo, kuti parege kuva nounozunguzika.+ 5 Mifananidzo yacho yakafanana nedukununu romumunda wemagaka, uye haigoni kutaura.+ Chokwadi inotakurwa, nokuti haigoni kufamba.+ Musaitya, nokuti haigoni kuita chinhu chinotambudza uyezve, haigoni kuita chero chinhu chipi zvacho chakanaka.”+
6 Hapana kana akaita semi, haiwa Jehovha.+ Muri mukuru, uye zita renyu rine simba guru kwazvo.+ 7 Ndiani asingazokutyii,+ haiwa imi Mambo wemarudzi,+ nokuti makakodzerwa nazvo; nokuti pakati pevakachenjera vose vemamwe marudzi uye pakati poumambo hwavo hwose hapana akaita semi.+ 8 Havafungi uyewo mapenzi.+ Muti unongokurudzira zvisina zvazvinobatsira.+ 9 Sirivha yakapfurwa ikava nhetenhete ndiyo inounzwa ichibva kuTashishi,+ uye ndarama inobva kuUfazi,+ basa remhizha uye remaoko omupfuri wesimbi; zvipfeko zvavo ndezveshinda yebhuruu nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka. Zvose ibasa renyanzvi.+
10 Asi chokwadi Jehovha ndiMwari.+ Ndiye Mwari mupenyu+ uye Mambo nokusingagumi.+ Nokuda kwehasha dzake pasi richazununguka,+ uye hapana marudzi achatsunga paanotsamwa.+ 11 Imi muti kwavari: “Vanamwari+ vasina kuita matenga nenyika ndivo vachaparara panyika+ uye pasi pematenga aya.” 12 Iye ndiye Muiti wenyika nesimba rake,+ Iye ari kusimbisa kwazvo nyika inobereka nouchenjeri hwake,+ Iye akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.+ 13 Mvura iri kumatenga inotinhira panonzwika inzwi rake,+ uye anokwidza mhute ichibva kumugumo wenyika.+ Akatoita panobuda nemvura inonaya,+ uye anobudisa mhepo mumatura ake.+
14 Vanhu vose vakava vasingafungi kwazvo zvokuti havachazivi.+ Vapfuri vose vesimbi vachanyara nemifananidzo yakavezwa;+ nokuti mifananidzo yavo yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa ndeyenhema,+ uye haina simba roupenyu mairi.+ 15 Haina zvainobatsira, ibasa rinosekesa.+ Ichaparara panguva yaichafungwa nezvayo.+
16 Mugove waJakobho+ hauna kuita sezvinhu izvi, nokuti iye ndiye Muumbi wezvinhu zvose,+ uye Israeri ndiye mudonzvo wenhaka yake.+ Jehovha wemauto ndiro zita rake.+
17 Simudza mutoro wako+ kubva pasi, haiwa iwe mukadzi ari kugara akamanikidzwa.+ 18 Nokuti zvanzi naJehovha: “Tarirai ndiri kupotsera vagari vepanyika kunze panguva ino,+ uye ndichaita kuti vatambudzike kuti vazive.”+
19 Ndine nhamo nokuda kwokuparara kwangu!+ Ronda rangu rava kurwadza. Ini ndati: “Chokwadi uhwu ndihwo urwere hwangu, uye ndichahutakura.+ 20 Tende rangu rakapambwa, uye tambo dzetende rangu dzakadamburwa dzose nepakati.+ Vanakomana vangu vakandisiya, uye havasisipo.+ Hapachina ari kutambanudzazve tende rangu kana kumisa machira etende rangu. 21 Nokuti vafudzi havana kufunga,+ uye havana kunyange kutsvaka Jehovha.+ Ndokusaka vasina kuratidza njere, uye makwai avo ari mumafuro apararira.”+
22 Teererai! Mashoko! Tarirai auya, uyewo kutinhidza kukuru kunobva kunyika yokuchamhembe,+ kuti kuite maguta aJudha matongo, nzvimbo inogara hunguhwe.+
23 Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.+ 24 Haiwa Jehovha, ndiruramisei asi nokururama;+ kwete makatsamwa,+ kuti murege kundipedza chose.+ 25 Dururirai hasha dzenyu pamarudzi+ akakurambai,+ uye pamhuri dzisina kudana zita renyu.+ Nokuti vakadya Jakobho.+ Chokwadi, vakamudya, vanoramba vachimuparadza;+ uye vakaita kuti nzvimbo yake yaanogara ive dongo.+