2 Kwapera nguva yakati, Rute mukadzi muMoabhi akati kuna Naomi: “Ndapota, regai ndiende kumunda ndinounganidza hura dzezviyo dzinenge dzasaririra+ ndichitevera mushure momunhu chero upi zvake angandinzwira nyasha.” Naizvozvo akati kwaari: “Enda hako, mwanasikana wangu.”