1 Samueri 13:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Zvino umambo hwako hahuzogari.+ Jehovha achazvitsvakira munhu anodiwa nomwoyo wake;+ uye Jehovha achamurayira kuti ave mutungamiriri+ wevanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakarayirwa naJehovha.”+ 1 Samueri 15:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura+ kutonga kwoumambo hwaIsraeri kwauri nhasi, uye achahupa mumwe wokwako ari nani kupfuura iwe.+ 1 Samueri 18:8 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 8 Sauro akatsamwa kwazvo,+ uye shoko iri rakanga rakaipa sokuona kwake, zvokuti akati: “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru, asi ini vandipa zviuru, zvino kwangosara kuti vachimupa umambo!”+ 1 Samueri 20:31 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 31 Nokuti mazuva ose ayo mwanakomana waJese anenge ari mupenyu panyika, iwe noumambo hwako hamuzosimbiswi kwazvo.+ Zvino tumira shoko unomutora auye kwandiri, nokuti anofanira kufa.”+ 1 Samueri 23:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Iye akati kwaari: “Usatya;+ nokuti ruoko rwababa vangu Sauro haruzokuwani, iwe uchava mambo+ waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri; uye baba vangu Sauro vanozviziva izvozvo.”+
14 Zvino umambo hwako hahuzogari.+ Jehovha achazvitsvakira munhu anodiwa nomwoyo wake;+ uye Jehovha achamurayira kuti ave mutungamiriri+ wevanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakarayirwa naJehovha.”+
28 Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura+ kutonga kwoumambo hwaIsraeri kwauri nhasi, uye achahupa mumwe wokwako ari nani kupfuura iwe.+
8 Sauro akatsamwa kwazvo,+ uye shoko iri rakanga rakaipa sokuona kwake, zvokuti akati: “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru, asi ini vandipa zviuru, zvino kwangosara kuti vachimupa umambo!”+
31 Nokuti mazuva ose ayo mwanakomana waJese anenge ari mupenyu panyika, iwe noumambo hwako hamuzosimbiswi kwazvo.+ Zvino tumira shoko unomutora auye kwandiri, nokuti anofanira kufa.”+
17 Iye akati kwaari: “Usatya;+ nokuti ruoko rwababa vangu Sauro haruzokuwani, iwe uchava mambo+ waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri; uye baba vangu Sauro vanozviziva izvozvo.”+