20 Naizvozvo Dhavhidhi akafumomuka, akasiya makwai achitarisirwa nomuchengeti, akasimudza zvinhu zvacho, akaenda sezvaakanga arayirwa naJese.+ Paakasvika pane zvakanga zvakapoteredza musasa,+ mauto ehondo akanga achienda kunzvimbo yokurwira,+ uye akashevedzera nokuda kwokurwa.