9 Mupristi wacho akati: “Bakatwa raGoriyati+ muFiristiya, wawakauraya mubani reEraa+—riri pano, rakaputirwa mujasi, seri kweefodhi.+ Kana riri iro raungatora, ritore, nokuti hapana rimwe pano kunze kwaro.” Dhavhidhi akati: “Hapana rakafanana naro. Ndipei iroro.”