Eksodho 2:23 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 23 Zvino mumazuva mazhinji iwayo mambo weIjipiti akazofa,+ asi vanakomana vaIsraeri vakaramba vachigomera nouranda uye vachichema vachinyunyuta,+ uye kuchemera kwavo kubatsirwa kwakaramba kuchikwira kuna Mwari wechokwadi nokuda kwouranda hwacho.+ Pisarema 69:33 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 33 Nokuti Jehovha anoteerera varombo,+Chokwadi haazozvidzi vasungwa vake.+ Isaya 42:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 kuti usvinudze maziso akapofumara,+ kuti ubudise musungwa mujeri repasi,+ ubudise vaya vagere murima muimba yevasungwa.+
23 Zvino mumazuva mazhinji iwayo mambo weIjipiti akazofa,+ asi vanakomana vaIsraeri vakaramba vachigomera nouranda uye vachichema vachinyunyuta,+ uye kuchemera kwavo kubatsirwa kwakaramba kuchikwira kuna Mwari wechokwadi nokuda kwouranda hwacho.+
7 kuti usvinudze maziso akapofumara,+ kuti ubudise musungwa mujeri repasi,+ ubudise vaya vagere murima muimba yevasungwa.+