Vatongi 9:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Muzambiringa ukatiwo kwairi, ‘Ndingarega waini yangu itsva inoita kuti Mwari nevanhu vafare,+ uye ndingaenda kunopeperekera miti here?’ 2 Samueri 13:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 Absaromu akabva arayira vashandi vake achiti: “Ndapota, onai kuti mwoyo waAmnoni paunongofara newaini,+ ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amnoni!’ Mubve mamuuraya. Musatya.+ Handiti ndini ndakurayirai here? Ivai nesimba muratidze kuti muri varume vakashinga.” Esteri 1:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Pazuva rechinomwe, mwoyo wamambo pawaiva wakafara newaini,+ akaudza Mehumani, Bhizta, Habhona,+ Bhigta naAbhagta, Zetari naKakasi, machinda manomwe aishumira+ pamberi paMambo Ahashivheroshi, Zvirevo 31:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 Ipai uya ava kuda kuparara doro rinodhaka,+ uye ipai mweya ine shungu waini.+ Muparidzi 2:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Ndakaongorora nomwoyo wangu ndichifadza nyama yangu newaini,+ pandaitungamirira mwoyo wangu nouchenjeri,+ kuti ndibate upenzi kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi pane zvaiitwa nevanakomana vevanhu pasi pematenga kwemazuva ose oupenyu hwavo.+ Muparidzi 9:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Enda, udye zvokudya zvako uchifara, unwe waini yako nomwoyo unofara,+ nokuti Mwari wechokwadi akatofarira mabasa ako.+ Muparidzi 10:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Zvokudya ndezvokuti vashandi vaseke, uye waini inoita kuti upenyu hufadze;+ asi mari ndiyo inodiwa pazvinhu zvose.+
13 Muzambiringa ukatiwo kwairi, ‘Ndingarega waini yangu itsva inoita kuti Mwari nevanhu vafare,+ uye ndingaenda kunopeperekera miti here?’
28 Absaromu akabva arayira vashandi vake achiti: “Ndapota, onai kuti mwoyo waAmnoni paunongofara newaini,+ ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amnoni!’ Mubve mamuuraya. Musatya.+ Handiti ndini ndakurayirai here? Ivai nesimba muratidze kuti muri varume vakashinga.”
10 Pazuva rechinomwe, mwoyo wamambo pawaiva wakafara newaini,+ akaudza Mehumani, Bhizta, Habhona,+ Bhigta naAbhagta, Zetari naKakasi, machinda manomwe aishumira+ pamberi paMambo Ahashivheroshi,
3 Ndakaongorora nomwoyo wangu ndichifadza nyama yangu newaini,+ pandaitungamirira mwoyo wangu nouchenjeri,+ kuti ndibate upenzi kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi pane zvaiitwa nevanakomana vevanhu pasi pematenga kwemazuva ose oupenyu hwavo.+
7 Enda, udye zvokudya zvako uchifara, unwe waini yako nomwoyo unofara,+ nokuti Mwari wechokwadi akatofarira mabasa ako.+
19 Zvokudya ndezvokuti vashandi vaseke, uye waini inoita kuti upenyu hufadze;+ asi mari ndiyo inodiwa pazvinhu zvose.+