11 Vanhu vose vakanga vari pagedhi nevarume vakuru vakati: “Tiri zvapupu! Jehovha ngaaite kuti mudzimai ari kuuya mumba mako ave saRakeri+ uye saReya,+ avo vakavaka imba yaIsraeri vari vaviri;+ ratidza kukosha kwako muEfrata+ uye uve nezita rakakurumbira muBhetrehema.+