Dheuteronomi 8:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 “Paunenge wadya uye waguta,+ urumbidzewo+ Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa.+ Muparidzi 2:24 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 24 Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.+ Izviwo ndakazviona, iyeni, kuti zvinobva paruoko rwaMwari wechokwadi.+
24 Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.+ Izviwo ndakazviona, iyeni, kuti zvinobva paruoko rwaMwari wechokwadi.+