Isaya 60:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba.+ Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.”+ Mika 4:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Ndichaita kuti ivo vakanga vachikamhina vave vanosara,+ uye ndichaita kuti ivo vakabviswa vakaendeswa kure vave rudzi rune simba;+ Jehovha achava mambo wavo ari muGomo reZiyoni, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+ Zefaniya 3:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 Tarira ndichatonga vose vanokutambudza, panguva iyoyo;+ ndichaponesa iye anokamhina,+ uye ndichaunganidza iye akaparadzirwa.+ Ndichaita kuti varumbidzwe uye ndichaita kuti vave nomukurumbira munyika yose yavainyadziswa vari mairi.
22 Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba.+ Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.”+
7 Ndichaita kuti ivo vakanga vachikamhina vave vanosara,+ uye ndichaita kuti ivo vakabviswa vakaendeswa kure vave rudzi rune simba;+ Jehovha achava mambo wavo ari muGomo reZiyoni, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+
19 Tarira ndichatonga vose vanokutambudza, panguva iyoyo;+ ndichaponesa iye anokamhina,+ uye ndichaunganidza iye akaparadzirwa.+ Ndichaita kuti varumbidzwe uye ndichaita kuti vave nomukurumbira munyika yose yavainyadziswa vari mairi.