Isaya
60 “Simuka,+ haiwa iwe mukadzi, vhenekera,+ nokuti chiedza chako chauya+ uye kubwinya kwaJehovha kwapenyera pauri.+ 2 Nokuti, tarira! rima+ richafukidza nyika, uye zarima richafukidza mapoka emarudzi; asi Jehovha achapenyera pauri, uye kubwinya kwake kuchaonekwa pauri.+ 3 Marudzi achaenda kuchiedza chako,+ uye madzimambo+ kukupenya kwokuvhenekera kwako.+
4 “Tarira kumativi ose uone! Ivo vose zvavo vaungana;+ vauya kwauri.+ Vanakomana vako vanoramba vachiuya vachibva kure, vanasikana vako vachatarisirwa vakatakurwa parutivi.+ 5 Panguva iyoyo uchaona uye uchafara,+ mwoyo wako uchadedera wokura, nokuti kupfuma kwegungwa kuchananga kwauri; pfuma yemarudzi ichauya kwauri.+ 6 Boka rengamera riri kuti nyandu nyandu richakufukidza, iyo mikono miduku yengamera dzaMidhiyani nevaEfa.+ Vose vaya vanobva kuShebha+—vachauya. Vachatakura ndarama nezvinonhuhwirira zvichena. Vachazivisa kurumbidzwa kwaJehovha.+ 7 Mapoka ose ezvipfuwo evaKedhari+—achaungana kwauri. Makondohwe aNebhayoti+—achakushumira.+ Zvichakwira paatari yangu zvatenderwa,+ uye ndichaita kuti imba yangu yorunako ive yakanaka.+
8 “Ndivanaani ava vanouya vachibhururuka segore,+ senjiva dzinouya kumasuo echirugu chadzo? 9 Nokuti zvitsuwa zvicharamba zvichitarira kwandiri,+ uyewo ngarava dzeTashishi+ dziine tariro sepakutanga, kuti dziunze vanakomana vako kubva kure,+ vaine sirivha yavo nendarama yavo,+ vachienda kuzita+ raJehovha Mwari wako nokuMutsvene waIsraeri,+ nokuti achange aita kuti uve akanaka.+ 10 Vokune imwe nyika vachavaka masvingo ako,+ madzimambo avo achakushumira;+ nokuti ndichange ndakurova ndakatsamwa,+ asi ndichakunzwira ngoni ndichikufarira.+
11 “Magedhi ako acharamba akavhurika nguva dzose;+ haazovharwi masikati kana usiku, kuti vauye nepfuma yemarudzi kwauri,+ uye madzimambo awo achange achitungamirira.+ 12 Nokuti rudzi chero rupi zvarwo noumambo chero hupi zvahwo husingazokushandiri huchaparara; uye chokwadi marudzi achaparadzwa.+
13 “Kunaka kweRebhanoni kuchauya kwauri, muti womujunipa, nomupfuri nomusaipresi panguva imwe chete,+ kuti ndiite kuti nzvimbo yenzvimbo yangu tsvene inake;+ uye ndichakudza nzvimbo yetsoka dzangu.+
14 “Vanakomana vevaya vari kukutambudza vachauya kwauri, vachikotama;+ vaya vose vasingakuremekedzi vachakotama patsoka dzako,+ uye vachakutumidza kuti guta raJehovha, Ziyoni+ roMutsvene waIsraeri.
15 “Panzvimbo pokuti uve akasiyiwa zvachose neanovengwa, usisina munhu anopfuura nomauri,+ ndichaita kuti uve chinhu chokudada nacho nokusingagumi, chinopembererwa nomufaro kwezvizvarwa nezvizvarwa.+ 16 Uchayamwa mukaka wemarudzi,+ uchayamwa zamu remadzimambo;+ uye chokwadi uchaziva kuti ini Jehovha,+ ndini Muponesi wako,+ uye Ane Simba+ waJakobho ndiye Mudzikinuri wako.+ 17 Panzvimbo pemhangura ndichaunza ndarama,+ panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha, panzvimbo pematanda, mhangura, panzvimbo pematombo, simbi; uye ndichagadza rugare kuti ruve vatariri+ vako uye kururama kuti kuve vanokupa basa.+
18 “Chisimba hachichazonzwikizve munyika yako, kupamba kana kuparadza mukati memiganhu yako.+ Uchatumidza masvingo ako kuti Ruponeso,+ nemagedhi ako kuti Kurumbidza. 19 Zuva harizovizve chiedza chako masikati, mwedzi hauzokupizve chiedza nokuda kwokupenya. Asi Jehovha achava chiedza chinogara nokusingagumi kwauri,+ uye Mwari wako achava runako rwako.+ 20 Zuva rako harizovirizve, uyewo mwedzi wako hauzoperi; nokuti Jehovha achava chiedza chinogara nokusingagumi kwauri,+ uye mazuva okuchema kwako achange apera.+ 21 Vanhu vako, vose zvavo vachava vakarurama;+ vachaita kuti nyika yacho ive yavo nokusingagumi,+ nhungirwa yandakadyara,+ basa remaoko angu,+ kuti ndipiwe runako.+ 22 Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba.+ Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.”+