10 Ndichasvimha misodzi uye ndicharira pamusoro pemakomo,+ ndichaimba rwiyo rwemariro pamusoro pemafuro erenje; nokuti achange apiswa+ zvokuti hapana murume achapfuura namo uye vanhu havazonzwi kuchema kwezvipfuwo.+ Zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nemhuka zvichange zvatiza; zvichange zvaenda.+