Jeremiya
9 Haiwa, kudai musoro wangu waiva mvura, uye kudai maziso angu aiva tsime remisodzi!+ Ndaizosvimha misodzi masikati nousiku nokuda kwevakaurayiwa vomwanasikana wevanhu vangu.+
2 Haiwa, kudai ndaiva nenzvimbo inogarwa nevafambi murenje!+ Ndaizosiya vanhu vangu, ndobva kwavari, nokuti vose zvavo imhombwe,+ ungano yevanyengeri;+ 3 uye vanokunga rurimi rwavo souta hwavo vachireva nhema;+ asi havana kuva vane simba munyika nokuda kwokutendeka.
“Nokuti vakabva pane zvakaipa vachienda pane zvakaipa, uye havana kunditeerera,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
4 “Mumwe nomumwe wenyu ngaazvichenjerere pashamwari yake,+ uye musavimba nehama zvachose.+ Nokuti chokwadi hama dzose dzichatora nzvimbo dzevamwe,+ uye shamwari dzose dzichafamba-famba dzichichera vamwe,+ 5 mumwe nomumwe anoramba achinyengedza shamwari yake;+ uye havatauri chokwadi zvachose. Vakadzidzisa rurimi rwavo kureva nhema.+ Vakazvinetesa nokuita zvakaipa.+
6 “Nzvimbo yako yokugara iri pakati pounyengeri.+ Vakaramba kundiziva nounyengeri,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 Naizvozvo zvanzi naJehovha wemauto: “Tarirai ndiri kuvanatsa, uye ndinofanira kuvaongorora,+ nokuti ndingaita sei pamusoro pomwanasikana wevanhu vangu?+ 8 Rurimi rwavo museve wokuurayisa.+ Rwakataura zvokunyengera. Munhu anoramba achitaura nomuromo wake zvorugare neshamwari yake; asi mukati make anoronga kuti avandire.”+
9 “Handifaniri kuita kuti vazvidavirire nokuda kwezvinhu izvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana kuti mweya wangu haufaniri kutsiva rudzi rwakadai here?+ 10 Ndichasvimha misodzi uye ndicharira pamusoro pemakomo,+ ndichaimba rwiyo rwemariro pamusoro pemafuro erenje; nokuti achange apiswa+ zvokuti hapana murume achapfuura namo uye vanhu havazonzwi kuchema kwezvipfuwo.+ Zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nemhuka zvichange zvatiza; zvichange zvaenda.+ 11 Ndichaita Jerusarema murwi wematombo,+ nzvimbo inogara hunguhwe;+ uye ndichaita maguta aJudha matongo, asina anogaramo.+
12 “Ndiani murume akachenjera, kuti anzwisise izvi, kunyange iye ataurirwa nomuromo waJehovha, kuti azvitaure?+ Nei nyika ichifanira kuparara, ipiswe serenje risina kana munhu anopfuura nomariri?”+
13 Jehovha akati: “Nokuti vakasiya mutemo wangu wandakapa kuti uve pamberi pavo, uye nokuti havana kuteerera inzwi rangu uye havana kufamba mauri,+ 14 asi vakaramba vachitevera kuoma kwemwoyo yavo+ nemifananidzo yaBhaari,+ yavakanga vadzidziswa nezvayo nemadzibaba avo;+ 15 naizvozvo zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Tarirai ndichavadyisa, ivo vanhu ava, muti unovava,+ uye ndichavanwisa mvura ine muchetura;+ 16 ndichavaparadzira pakati pemarudzi avasina kuziva, ivo kana madzibaba avo,+ uye ndichatuma bakatwa kuti rivatevere kusvikira ndavaparadza.’+
17 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Nzwisisai, mushevedze vakadzi vanoimba rwiyo rwemariro,+ kuti vauye; uye mudaidze vakadzi vane unyanzvi, kuti vauye,+ 18 kuti vakurumidze, varire pamusoro pedu. Maziso edu ngaachururuke misodzi uye maziso edu anopenya ayerere mvura.+ 19 Nokuti inzwi rokurira ranzwika muZiyoni richiti:+ “Takapambwa sei!+ Takanyara zvikuru sei! Nokuti takasiya nyika yacho; nokuti vakakoromora nzvimbo dzedu dzataigara.”+ 20 Asi inzwai, haiwa imi vakadzi, shoko raJehovha, nzeve dzenyu ngadziteerere shoko romuromo wake. Ibvai madzidzisa vanasikana venyu kurira,+ uye mukadzi mumwe nomumwe adzidzise shamwari yake rwiyo rwemariro.+ 21 Nokuti rufu rwauya nepamahwindo edu; rwauya mushongwe dzedu dzatinogara, kuti ruparadze mwana mumugwagwa uye majaya munzvimbo dzinoungana vanhu.’+
22 “Taura, ‘Zvanzi naJehovha: “Zvitunha zvevanhu zvichawirawo panyika somupfudze uye somutsetse wemwanda wezviyo zvichangobva kuchekwa zvinosiyiwa nomukohwi, zvisina anounganidza.”’”+
23 Zvanzi naJehovha: “Munhu akachenjera ngaarege kuzvikudza nokuda kwouchenjeri hwake,+ uye munhu ane simba ngaarege kuzvikudza nokuda kwokuva kwake nesimba.+ Mupfumi ngaarege kuzvikudza nokuda kwoupfumi hwake.”+
24 “Asi anozvikudza ngaazvikudze nokuda kwechinhu ichi, kuva nenjere+ uye kuva nezivo pamusoro pangu, kuti ndini Jehovha,+ Iye ane mutsa worudo, kururamisira nokururama panyika;+ nokuti ndinofarira zvinhu izvi,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
25 “Tarirai! Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichaita kuti vanhu vose vakadzingiswa asi vachiri pakusadzingiswa vazvidavirire,+ 26 Ijipiti+ naJudha+ naEdhomu+ nevanakomana vaAmoni+ naMoabhi+ nevanhu vose vane bvudzi rakadimburirwa pazvavovo vari kugara murenje;+ nokuti marudzi ose haana kudzingiswa, uye imba yose yaIsraeri ine mwoyo isina kudzingiswa.”+