1 Madzimambo 22:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva agadzira nyanga dzesimbi akati: “Zvanzi naJehovha,+ ‘Muchatunga vaSiriya neidzi kusvikira mavaparadza.’”+ Jeremiya 14:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Jehovha akati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema nezita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kutaura vachiprofita kwamuri zvinhu zvakaratidzwa zvenhema nokushopera uye chinhu chisina zvachinobatsira+ nokunyengera kwemwoyo yavo.+ Mariro 2:14 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 14 Vaprofita vako vakaona zvinhu zvisina zvazvinobatsira nezvisingagutsi nokuda kwako,+Havana kubudisa pachena kukanganisa kwako kuti vabvise kutapwa kwako,+Asi vakaramba vachiratidzwa zvirevo zvisina zvazvinobatsira uye zvinotsausa nokuda kwako.+
11 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva agadzira nyanga dzesimbi akati: “Zvanzi naJehovha,+ ‘Muchatunga vaSiriya neidzi kusvikira mavaparadza.’”+
14 Jehovha akati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema nezita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kutaura vachiprofita kwamuri zvinhu zvakaratidzwa zvenhema nokushopera uye chinhu chisina zvachinobatsira+ nokunyengera kwemwoyo yavo.+
14 Vaprofita vako vakaona zvinhu zvisina zvazvinobatsira nezvisingagutsi nokuda kwako,+Havana kubudisa pachena kukanganisa kwako kuti vabvise kutapwa kwako,+Asi vakaramba vachiratidzwa zvirevo zvisina zvazvinobatsira uye zvinotsausa nokuda kwako.+