Dhanieri 7:6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 6 “Pashure peiyi ndakaramba ndakatarira, ndikaona nechekoko! imwe mhuka, yakanga yakaita seingwe,+ asi pamusana payo yakanga iine mapapiro mana echisikwa chinobhururuka. Mhuka yacho yakanga iine misoro mina,+ uye yakapiwa ushe. Dhanieri 8:21 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 21 Nhongo ine mvere inomirira mambo weGirisi;+ uye nyanga huru yaiva pakati pemaziso ayo inomirira mambo wokutanga.+ Dhanieri 10:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Naizvozvo iye akati: “Unoziva here kuti ndauyirei kwauri? Zvino ndichadzokera kuti ndinorwa nomuchinda wePezhiya.+ Pandinenge ndichienda, tarira! muchinda wokuGirisi achauyawo.+ Dhanieri 11:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 “Zvino mambo ane simba achamuka otonga nzvimbo huru,+ oita sezvaanoda.+
6 “Pashure peiyi ndakaramba ndakatarira, ndikaona nechekoko! imwe mhuka, yakanga yakaita seingwe,+ asi pamusana payo yakanga iine mapapiro mana echisikwa chinobhururuka. Mhuka yacho yakanga iine misoro mina,+ uye yakapiwa ushe.
21 Nhongo ine mvere inomirira mambo weGirisi;+ uye nyanga huru yaiva pakati pemaziso ayo inomirira mambo wokutanga.+
20 Naizvozvo iye akati: “Unoziva here kuti ndauyirei kwauri? Zvino ndichadzokera kuti ndinorwa nomuchinda wePezhiya.+ Pandinenge ndichienda, tarira! muchinda wokuGirisi achauyawo.+