Dheuteronomi 9:21 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 21 Ndakatora chivi chenyu chamakanga maita, iyo mhuru+ yacho, ndikaipisa mumoto ndokuipwanya, ndikaikuya-kuya kusvikira yatsetseka seguruva; ndichibva ndazokanda guruva rayo mumupata waiva norukova waiburuka uchibva mugomo.+ 1 Madzimambo 12:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 Naizvozvo mambo akarangana nevamwe,+ akagadzira mhuru+ mbiri dzendarama, akati kuvanhu: “Kuenda kuJerusarema kwakakuomerai. Haiwa imi vaIsraeri, heuno Mwari+ wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti.”+ 1 Madzimambo 12:30 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 30 Chinhu ichi chakaita kuti vanhu vatadze,+ uye vanhu vakatanga kuenda pamberi peyaiva kuDhani. Mika 1:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 “Zvinhu izvi zvose zviripo nokuda kwokumukira kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri.+ Ndiani akaita kuti Jakobho amukire? Harisi Samariya here?+ Ndiani akaita kuti Judha ave nenzvimbo dzakakwirira?+ Harisi Jerusarema here?
21 Ndakatora chivi chenyu chamakanga maita, iyo mhuru+ yacho, ndikaipisa mumoto ndokuipwanya, ndikaikuya-kuya kusvikira yatsetseka seguruva; ndichibva ndazokanda guruva rayo mumupata waiva norukova waiburuka uchibva mugomo.+
28 Naizvozvo mambo akarangana nevamwe,+ akagadzira mhuru+ mbiri dzendarama, akati kuvanhu: “Kuenda kuJerusarema kwakakuomerai. Haiwa imi vaIsraeri, heuno Mwari+ wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti.”+
5 “Zvinhu izvi zvose zviripo nokuda kwokumukira kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri.+ Ndiani akaita kuti Jakobho amukire? Harisi Samariya here?+ Ndiani akaita kuti Judha ave nenzvimbo dzakakwirira?+ Harisi Jerusarema here?