Dheuteronomi
9 “Haiwa iwe Israeri, chinzwa, nhasi uri kuyambuka Jodhani+ kuti upinde imomo, udzinge marudzi makuru neane simba kukupfuura,+ maguta makuru uye akavakirirwa kusvika kumatenga,+ 2 vanhu vahombe uye varefu, vanakomana vevaAnaki,+ vawakaziva nezvavo uye vawakanzwa nezvavo zvichinzi, ‘Ndiani angamirisana nevanakomana vevaAnaki?’ 3 Nhasi unonyatsoziva kuti Jehovha Mwari wako ari kuyambuka ari pamberi pako.+ Iye moto unoparadza.+ Achavatsakatisa,+ uye achavakunda pamberi pako; unofanira kuvadzinga wokurumidza kuvaparadza, sezvakataurwa naJehovha kwauri.+
4 “Jehovha Mwari wako paanovadzinga pamberi pako, usati mumwoyo mako, ‘Jehovha akandiunza kuti nditore nyika iyi kuti ive yangu nokuti ndakarurama,’+ nepo Jehovha achadzinga marudzi aya pamberi pako nokuda kwokuipa kwawo.+ 5 Hausi kupinda kunotora nyika yawo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako+ kana kuti nokuda kwokururama kwomwoyo+ wako; asi Jehovha Mwari wako ari kudzinga marudzi aya pamberi pako nokuda kwokuipa kwawo,+ kuti aite shoko iro Jehovha akapikira madzitateguru ako, Abrahamu,+ Isaka+ naJakobho.+ 6 Unofanira kuziva kuti Jehovha Mwari wako haasi kukupa nyika ino yakanaka kuti ive yako nokuda kwokururama kwako; nokuti uri rudzi rune mutsipa wakaoma.+
7 “Yeuka: Usakanganwa kutsamwisa kwawakaita Jehovha Mwari wako murenje.+ Kubvira pazuva ramakabuda munyika yeIjipiti kusvikira masvika kunzvimbo ino, makapandukira Jehovha.+ 8 Kunyange kuHorebhi makatsamwisa Jehovha zvokuti Jehovha akakutsamwirai kwazvo akada kukutsakatisai.+ 9 Pandakakwira mugomo kunogamuchira mahwendefa ematombo,+ mahwendefa esungano iyo Jehovha akanga aita nemi,+ ndikaramba ndichigara mugomo kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana,+ (handina kudya zvokudya kana kunwa mvura,) 10 Jehovha akabva andipa mahwendefa maviri ematombo akanga akanyorwa nomunwe waMwari;+ uye paari paiva nemashoko ose ayo Jehovha akanga ataura nemi mugomo ari pakati pomoto pazuva reungano.+ 11 Mazuva makumi mana nousiku makumi mana zvapera, Jehovha akandipa mahwendefa maviri ematombo, mahwendefa esungano;+ 12 Jehovha akati kwandiri, ‘Simuka, kurumidza kuburuka muno, nokuti vanhu vako vawakabudisa muIjipiti vaita zvakaipa.+ Vakurumidza kutsauka panzira yandakavarayira. Vazvigadzirira mufananidzo wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa.’+ 13 Jehovha akati kwandiri, ‘Ndaona vanhu ava, uye tarira! ivo vanhu vane mitsipa yakaoma.+ 14 Ndirege ndivatsakatise+ ndidzime zita ravo pasi pematenga,+ uye rega ndikuite rudzi rune simba uye rune vanhu vazhinji kuvapfuura.’+
15 “Pashure paizvozvo ndakatendeuka ndikaburuka mugomo, gomo paraibvira moto;+ uye mahwendefa maviri esungano aiva mumaoko angu ose.+ 16 Ndakabva ndatarira ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu! Makanga mazvigadzirira mhuru yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa.+ Makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marayirwa naJehovha.+ 17 Ndakabva ndabata mahwendefa maviri acho, ndikaakanda nesimba pasi nemaoko angu ose, ndikaaputsa muchizviona.+ 18 Ndakazvambarara pamberi paJehovha, sezvandakaita pakutanga, kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana. Handina kudya zvokudya kana kunwa mvura,+ nokuda kwechivi chenyu chose chamakanga maita pamakaita zvakaipa pamberi paJehovha kuti mumugumbure.+ 19 Nokuti ndakatya kutsamwa kukuru uko Jehovha akanga akutsamwirai nako akada kukutsakatisai.+ Zvisinei, Jehovha akanditeererawo panguva iyoyo.+
20 “Jehovha akatsamwirawo Aroni kwazvo akada kumutsakatisa;+ asi panguva iyoyo chaiyo ndakatetererawo+ nokuda kwaAroni. 21 Ndakatora chivi chenyu chamakanga maita, iyo mhuru+ yacho, ndikaipisa mumoto ndokuipwanya, ndikaikuya-kuya kusvikira yatsetseka seguruva; ndichibva ndazokanda guruva rayo mumupata waiva norukova waiburuka uchibva mugomo.+
22 “Uyezve, kuTabhera+ nokuMasa+ nokuKibroti-hataavha+ makava vanhu vanotsamwisa Jehovha.+ 23 Jehovha paakakubudisai muKadheshi-bhaneya,+ achiti, ‘Endai munotora nyika yandichakupai kuti ive yenyu!’ makabva mapandukira murayiro waJehovha Mwari wenyu,+ hamuna kutenda+ maari uye hamuna kuteerera inzwi rake.+ 24 Makaratidza kuti muri vanhu vanopandukira Jehovha+ kubvira pazuva randakakuzivai.
25 “Naizvozvo ndakaramba ndakagwadama pamberi paJehovha kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana,+ nokuti ndakagwadama saizvozvo nokuti Jehovha aitaura nezvokukutsakatisai.+ 26 Ndakatanga kuteterera+ Jehovha ndikati, ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, pfuma yenyu chaiyo,+ vamakadzikinura noukuru hwenyu, vamakabudisa muIjipiti+ noruoko rune simba.+ 27 Yeukai vashumiri venyu Abrahamu, Isaka naJakobho.+ Regai kutendeutsa chiso chenyu kuti muone kuoma kwevanhu ava nokuipa kwavo nechivi chavo,+ 28 kuti nyika+ yamakatibudisa mairi irege kuti: “Jehovha akavabudisa kuti avaurayire murenje nokuti akanga asingakwanisi kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti aivavenga.”+ 29 Ivo vachiri vanhu venyu nepfuma yenyu chaiyo+ yamakabudisa nesimba renyu guru uye noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.’+