Dheuteronomi 25:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Zvino kana munhu akaipa achifanira kurohwa,+ mutongi ngaaitewo kuti azvambarare uye arohwe+ ari pamberi pake, shamhu dzinowirirana nebasa rake rakaipa. Johani 9:41 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 41 Jesu akati kwavari: “Kudai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi zvino munoti, ‘Tinoona.’+ Chivi chenyu+ chinoramba chiripo.” Jakobho 1:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 Zvisinei, ivai vaiti veshoko,+ kwete vanzwi chete, muchizvinyengera nokufunga kwenhema.+ Jakobho 4:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 Naizvozvo, kana munhu achiziva kuita zvakarurama asi asingazviiti,+ iye ari kuita chivi.+
2 Zvino kana munhu akaipa achifanira kurohwa,+ mutongi ngaaitewo kuti azvambarare uye arohwe+ ari pamberi pake, shamhu dzinowirirana nebasa rake rakaipa.
41 Jesu akati kwavari: “Kudai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi zvino munoti, ‘Tinoona.’+ Chivi chenyu+ chinoramba chiripo.”