Isaya 44:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Nokuti ndichadururira mvura pamunhu ane nyota,+ uye hova dzinoyerera zvinyoronyoro panzvimbo yakaoma.+ Ndichadururira mudzimu wangu pavana vako,+ nechikomborero changu pavazukuru vako. Joeri 2:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 “Zvino pashure paizvozvo ndichadurura mudzimu wangu+ pavanhu vemarudzi ose,+ vanakomana venyu nevanasikana venyu+ vachaprofita. Vakwegura venyu vacharota hope. Majaya enyu achaona zviratidzo. Johani 16:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Kunyange zvakadaro, ndiri kukuudzai chokwadi, Zvakakunakirai kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndikasaenda, mubatsiri+ haangambouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. Mabasa 2:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 ‘“Nemazuva okupedzisira,” Mwari anodaro, “ndichadurura mumwe mudzimu wangu+ pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita uye majaya enyu achaona zviratidzo uye vakwegura venyu vacharota hope;+
3 Nokuti ndichadururira mvura pamunhu ane nyota,+ uye hova dzinoyerera zvinyoronyoro panzvimbo yakaoma.+ Ndichadururira mudzimu wangu pavana vako,+ nechikomborero changu pavazukuru vako.
28 “Zvino pashure paizvozvo ndichadurura mudzimu wangu+ pavanhu vemarudzi ose,+ vanakomana venyu nevanasikana venyu+ vachaprofita. Vakwegura venyu vacharota hope. Majaya enyu achaona zviratidzo.
7 Kunyange zvakadaro, ndiri kukuudzai chokwadi, Zvakakunakirai kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndikasaenda, mubatsiri+ haangambouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
17 ‘“Nemazuva okupedzisira,” Mwari anodaro, “ndichadurura mumwe mudzimu wangu+ pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita uye majaya enyu achaona zviratidzo uye vakwegura venyu vacharota hope;+