Genesisi 3:19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Uchadya zvekudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+ Pisarema 146:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Simba rake reupenyu rinobuda, iye odzokera kuvhu;+Zuva iroro chairo pfungwa dzake dzinoparara.+ Muparidzi 9:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa,+ asi vakafa havana kana chavanoziva,+ uye havasisina kana mubayiro,* nekuti zvese zvaizivikanwa nezvavo hazvichayeukwi.+ Muparidzi 9:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Zvese zvaunokwanisa kuita neruoko rwako, zviite nesimba rako rese, nekuti kuGuva,*+ kwauri kuenda, hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri. Ezekieri 18:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Inzwai! Mweya yese ndeyangu.* Mweya wababa nemweya wemwanakomana ndeyangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.* VaRoma 5:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Saka chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi,+ rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza+—. 1 VaKorinde 15:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Nekuti sezvo vese vari kufa muna Adhamu,+ vese vachaitwawo vapenyu muna Kristu.+
19 Uchadya zvekudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+
5 Nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa,+ asi vakafa havana kana chavanoziva,+ uye havasisina kana mubayiro,* nekuti zvese zvaizivikanwa nezvavo hazvichayeukwi.+
10 Zvese zvaunokwanisa kuita neruoko rwako, zviite nesimba rako rese, nekuti kuGuva,*+ kwauri kuenda, hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri.
4 Inzwai! Mweya yese ndeyangu.* Mweya wababa nemweya wemwanakomana ndeyangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.*
12 Saka chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi,+ rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza+—.