-
Genesisi 49:29-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
29 Pashure paizvozvo akavarayira achiti: “Ndiri kuiswa kwakaiswa vanhu vekwangu.*+ Ndivigei nemadzibaba angu mubako riri mumunda waEfroni muHiti,+ 30 bako riri mumunda weMakapera uri pakatarisana neMamre munyika yeKenani, munda wakatengwa naAbrahamu kuna Efroni muHiti kuti auite nzvimbo yake yemakuva. 31 Ikoko ndiko kwakavigwa Abrahamu naSara mudzimai wake.+ Ndiko kwakavigwa Isaka+ naRibheka mudzimai wake, uye ndiko kwandakaviga Reya. 32 Munda wacho nebako riri mauri zvakatengwa kuvanakomana vaHeti.”+
33 Saka Jakobho akapedza kurayira vanakomana vake. Akabva adzorera tsoka dzake pamubhedha, akafema kekupedzisira uye akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake.*+
-
-
Genesisi 50:13, 14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Vanakomana vake vakamutakura vakapinda naye munyika yeKenani, vakamuviga mubako remunda weMakapera, munda wakatarisana neMamre wakanga watengwa naAbrahamu kuna Efroni muHiti kuti ive nzvimbo yake yemakuva.+ 14 Pashure pekuviga baba vake, Josefa akadzokera kuIjipiti nevana vababa vake nevanhu vese vaakanga aenda navo kunoviga baba vake.
-