Genesisi 30:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 Reya akabva ati: “Mwari andipa chipo, chokwadi andipa chipo chakanaka. Iye zvino ndichatombodiwawo nemurume wangu,+ nekuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.”+ Saka akamutumidza kuti Zebhuroni.*+ 1 Samueri 1:5, 6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 asi akapa Hana mugove wakasiyana newevamwe nekuti Hana ndiye waaida; asi Jehovha akanga asina kumupa vana.* 6 Uyewo mukadzinyina wake aigara achingomushora kuti amurwadzise nekuti Jehovha akanga asina kumupa vana. Ruka 1:24, 25 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Gare gare, Erizabheti mudzimai wake akava nepamuviri, uye haana kubva pamba kwemwedzi mishanu, achiti: 25 “Izvi ndizvo zvandaitirwa naJehovha* iye zvino. Afungawo nezvangu kuti abvise kuzvidzwa kwangu pakati pevanhu.”+
20 Reya akabva ati: “Mwari andipa chipo, chokwadi andipa chipo chakanaka. Iye zvino ndichatombodiwawo nemurume wangu,+ nekuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.”+ Saka akamutumidza kuti Zebhuroni.*+
5 asi akapa Hana mugove wakasiyana newevamwe nekuti Hana ndiye waaida; asi Jehovha akanga asina kumupa vana.* 6 Uyewo mukadzinyina wake aigara achingomushora kuti amurwadzise nekuti Jehovha akanga asina kumupa vana.
24 Gare gare, Erizabheti mudzimai wake akava nepamuviri, uye haana kubva pamba kwemwedzi mishanu, achiti: 25 “Izvi ndizvo zvandaitirwa naJehovha* iye zvino. Afungawo nezvangu kuti abvise kuzvidzwa kwangu pakati pevanhu.”+