RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 8:22
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 Zuva iroro ndichaita kuti kuGosheni, kunogara vanhu vangu, kusiyane nedzimwe nzvimbo. Kuchange kusina mbuo,+ uye izvi zvichaita kuti uzive kuti ini, Jehovha, ndiri munyika ino.+

  • Eksodho 9:3, 4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 ruoko rwaJehovha+ ruchauya pazvipfuwo zvako zviri kumafuro. Denda rinoparadza+ richava pamabhiza, pamadhongi, pangamera, pamombe nepamakwai. 4 Uye Jehovha achaita kuti pave nemusiyano pakati pezvipfuwo zvaIsraeri nezvipfuwo zveIjipiti, uye hapana kana chipfuwo chimwe chete chevaIsraeri chichafa.”’”+

  • Eksodho 10:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Vakanga vasingaonani, uye hakuna kana mumwe wavo akasimuka paakanga ari kwemazuva matatu; asi vaIsraeri vese vaiva nechiedza kwavaigara.+

  • Eksodho 11:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Asi kunyange imbwa chaiyo haisi kuzohukurira vaIsraeri, vanhu kana zvipfuwo, kuti muzive kuti Jehovha anogona kuita kuti pave nemusiyano pakati pevaIjipiti nevaIsraeri.’+

  • Eksodho 12:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Ropa racho richava chiratidzo padzimba dzamunenge muri; ndichaona ropa racho ndokudarikai, uye dambudziko racho harizouyi pamuri kuti rikuparadzei pandinorova nyika yeIjipiti.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe