Revhitiko 7:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Nyama yechibayiro chake cherugare chaanopa achiratidza kuonga ngaidyiwe pazuva raanochipa. Haafaniri kuchengeta imwe yayo kusvikira mangwanani.+ Revhitiko 22:29, 30 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 29 “Kana mukabayira chibayiro chekuonga kuna Jehovha,+ munofanira kuchibayira nenzira inoita kuti mufarirwe. 30 Chinofanira kudyiwa pazuva iroro. Hapana chinofanira kusara kusvikira mangwanani.+ Ndini Jehovha. Dheuteronomi 16:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Kwemazuva manomwe, munyika yenyu yese hamufaniri kuonekwa muine mukanyiwa wakavira,+ uye nyama yese yauchabayira manheru pazuva rekutanga haifaniri kurara usiku hwese kusvikira mangwanani.+
15 Nyama yechibayiro chake cherugare chaanopa achiratidza kuonga ngaidyiwe pazuva raanochipa. Haafaniri kuchengeta imwe yayo kusvikira mangwanani.+
29 “Kana mukabayira chibayiro chekuonga kuna Jehovha,+ munofanira kuchibayira nenzira inoita kuti mufarirwe. 30 Chinofanira kudyiwa pazuva iroro. Hapana chinofanira kusara kusvikira mangwanani.+ Ndini Jehovha.
4 Kwemazuva manomwe, munyika yenyu yese hamufaniri kuonekwa muine mukanyiwa wakavira,+ uye nyama yese yauchabayira manheru pazuva rekutanga haifaniri kurara usiku hwese kusvikira mangwanani.+