RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 16:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 VaIsraeri vairamba vachiti kwavari: “Dai takanga taurayirwa hedu munyika yeIjipiti neruoko rwaJehovha, patainge tigere pedyo nehari dzenyama,+ tichidya zvekudya tichiguta. Iye zvino makatiunza kurenje kuno kuti muuraye ungano yese iyi nenzara.”+

  • Eksodho 17:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Asi vanhu vakanga vanzwa nenyota, uye vakaramba vachigunun’unira Mozisi+ vachiti: “Wakatibudisirei muIjipiti? Kuti utiuraye nenyota pamwe nevanakomana vedu nezvipfuwo zvedu?”

  • Numeri 14:2-4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 VaIsraeri vese vakatanga kugunun’unira Mozisi naAroni,+ uye ungano yese yakatanga kutaura zvakaipa kwavari, ichiti: “Dai takafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takafira hedu murenje rino! 3 Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi kuti tiurayiwe nebakatwa?+ Madzimai edu nevana vedu vachapambwa.+ Hazvisi nani here kuti tidzokere hedu kuIjipiti?”+ 4 Vaitotaurirana vachiti: “Ngatigadzei mutungamiriri, tidzokere kuIjipiti!”+

  • Pisarema 106:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  7 Madzitateguru edu aiva muIjipiti haana kukoshesa mabasa enyu anoshamisa.

      Haana kurangarira rudo rwenyu rukuru rusingachinji,

      Asi akakupandukirai pagungwa, pedyo neGungwa Dzvuku.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe