-
Mabasa 7:30-34Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 “Papera makore 40, ngirozi yakazviratidza kwaari murenje reGomo reSinai iri murimi mugwenzi reminzwa raibvira.+ 31 Mozisi paakazviona zvakamushamisa. Asi paaiswedera pedyo kuti anyatsoona, inzwi raJehovha* rakanzwika richiti: 32 ‘Ndini Mwari wemadzitateguru ako, Mwari waAbrahamu newaIsaka newaJakobho.’+ Mozisi akatanga kudedera uye haana kuzova neushingi hwekuramba achiongorora. 33 Jehovha* akati kwaari: ‘Bvisa shangu dzako, nekuti nzvimbo yaumire itsvene. 34 Ndaona zvechokwadi kuti vanhu vangu vari kudzvinyirirwa muIjipiti, uye ndanzwa kugomera kwavo,+ saka ndauya kuzovanunura. Iye zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’
-