-
Numeri 15:3, 4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 mava kupa Jehovha chibayiro chinopiswa nemoto muchitora pamombe kana kuti pamakwai nembudzi, chingava chibayiro chinopiswa+ kana chibayiro chekuita mhiko yakasiyana nedzimwe kana mupiro wekungopa nekuzvidira+ kana mupiro unopiwa mumwaka yemitambo,+ kuti kuve kunhuhwirira kwakanaka* kuna Jehovha,+ 4 munhu wacho anenge achipa anofanirawo kuuya kuna Jehovha nemupiro wezviyo* wefurawa yakatsetseka+ unosvika chegumi cheefa,* wakasanganiswa nechikamu chimwe chete pazvina chehini* yemafuta.
-