RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 29:1-3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 29 “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvatsvenese kuti vandishumire sevapristi: Tora mukono mudiki wemombe, makondohwe maviri akanaka,+ 2 chingwa chisina mbiriso, zvingwa zveraundi* zvisina mbiriso zvakasanganiswa nemafuta, uye zvingwa zvitete zvisina mbiriso zvakazorwa mafuta.+ Uzvibike nefurawa yakatsetseka yegorosi 3 wozviisa mutswanda, wouya nazvo zviri mutswanda yacho,+ uyewo mukono wacho nemakondohwe acho maviri.

  • Revhitiko 6:14, 15
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 “‘Uyu ndiwo mutemo wemupiro wezviyo:*+ Imi vanakomana vaAroni munofanira kuuya nawo kuna Jehovha pamberi peatari. 15 Mumwe wavo anofanira kunokora furawa yakatsetseka yemupiro wezviyo nemamwe emafuta acho nezvinonhuhwirira zvichena zvese zviri pamusoro pemupiro wezviyo, uye anofanira kuita kuti zvipfungaire pamusoro peatari zvichinhuhwirira zvakanaka* zvichimiririra mupiro wabviswa* kuna Jehovha.+

  • Numeri 7:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Mupiro wake waiva dhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri* 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,*+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;*+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe