-
Revhitiko 20:17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 “‘Kana murume akarara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana kuti mwanasikana waamai vake, akaona kusapfeka kwake, uye iyewo akaona kusapfeka kwake, zvinonyadzisa.+ Vanofanira kubviswa* pamberi pevanakomana vevanhu vekwavo. Murume wacho anyadzisa hanzvadzi yake.* Anofanira kuzvidavirira kukanganisa kwake.
-
-
2 Samueri 13:10-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Amnoni akabva ati kuna Tamari: “Uya nezvekudya zvacho* muimba yekurara undipe ndidye.” Saka Tamari akatora makeke akaita semwoyo aakanga abika, akaenda nawo muimba yekurara maiva nehanzvadzi yake Amnoni. 11 Paakaenda nawo kunomupa kuti adye, akabva amubata akati: “Uya urare neni hanzvadzi yangu.” 12 Asi iye akati kwaari: “Aiwa, hanzvadzi yangu! Usaita zvinhu zvinonyadzisa kudaro kwandiri nekuti zvinhu zvakadai hazviitwi muIsraeri.+ Usaita zvinhu izvi zvakafumuka.+
-