Eksodho 12:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe.+ Pazuva rekutanga mubvise mukanyiwa wakavira mudzimba dzenyu, nekuti ani naani anodya zvine mbiriso kubvira pazuva rekutanga kusvikira rechinomwe, anofanira kubviswa* pakati paIsraeri. Eksodho 13:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Kwemazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso,+ uye pazuva rechinomwe pachava nemutambo unoitirwa Jehovha. Eksodho 34:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 “Unofanira kuchengeta Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso.+ Udye chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayira; ita izvi kwemazuva manomwe kana nguva yacho yasvika mumwedzi waAbhibhi,*+ nekuti wakabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi.
15 Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe.+ Pazuva rekutanga mubvise mukanyiwa wakavira mudzimba dzenyu, nekuti ani naani anodya zvine mbiriso kubvira pazuva rekutanga kusvikira rechinomwe, anofanira kubviswa* pakati paIsraeri.
6 Kwemazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso,+ uye pazuva rechinomwe pachava nemutambo unoitirwa Jehovha.
18 “Unofanira kuchengeta Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso.+ Udye chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayira; ita izvi kwemazuva manomwe kana nguva yacho yasvika mumwedzi waAbhibhi,*+ nekuti wakabuda muIjipiti mumwedzi waAbhibhi.