Revhitiko 4:25 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 25 Mupristi achatora rimwe ropa rechibayiro chechivi nemunwe wake, oriisa panyanga+ dzeatari yekupisira zvibayiro, odururira rinenge rasara muzasi meatari yechibayiro chinopiswa.+ Revhitiko 8:15 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Mozisi akauuraya, akatora ropa racho+ nemunwe wake, akariisa panyanga dzeatari kumativi ese, akanatsa atari pachivi, asi rimwe ropa rese akaridururira muzasi meatari, kuti aitsvenese kuti ayananisire pairi. Revhitiko 9:8, 9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Aroni akabva angoenda paatari, akauraya mhuru yechibayiro chake chechivi.+ 9 Vanakomana vaAroni vakabva vamupa ropa racho,+ iye akanyika munwe wake muropa racho, akariisa panyanga dzeatari, uye akadururira rimwe ropa rese muzasi meatari.+ VaHebheru 9:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Maererano neMutemo zvinhu zvizhinji zvinocheneswa neropa,+ uye kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunovapo.+
25 Mupristi achatora rimwe ropa rechibayiro chechivi nemunwe wake, oriisa panyanga+ dzeatari yekupisira zvibayiro, odururira rinenge rasara muzasi meatari yechibayiro chinopiswa.+
15 Mozisi akauuraya, akatora ropa racho+ nemunwe wake, akariisa panyanga dzeatari kumativi ese, akanatsa atari pachivi, asi rimwe ropa rese akaridururira muzasi meatari, kuti aitsvenese kuti ayananisire pairi.
8 Aroni akabva angoenda paatari, akauraya mhuru yechibayiro chake chechivi.+ 9 Vanakomana vaAroni vakabva vamupa ropa racho,+ iye akanyika munwe wake muropa racho, akariisa panyanga dzeatari, uye akadururira rimwe ropa rese muzasi meatari.+
22 Maererano neMutemo zvinhu zvizhinji zvinocheneswa neropa,+ uye kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunovapo.+