-
Dheuteronomi 19:8, 9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 “Kana Jehovha Mwari wako akakudza nharaunda yako sezvaakapikira madzitateguru ako+ uye akakupa nyika yese yaakapikira kupa madzitateguru ako,+ 9 zvichienderana nekuti wanyatsochengeta murayiro uyu wese wandiri kukupa nhasi, wekuda Jehovha Mwari wako uye kugara uchifamba munzira dzake,+ unofanira kuzowedzera mamwe maguta matatu kune aya matatu.+
-