-
Numeri 7:6-9Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Saka Mozisi akagamuchira ngoro dzacho nemombe dzacho, akazvipa vaRevhi. 7 Akapa vanakomana vaGeshoni ngoro mbiri nemombe ina maererano nezvaida kushandiswa pamabasa avo;+ 8 uye akapa vanakomana vaMerari ngoro ina nemombe 8 maererano nezvaida kushandiswa pamabasa avo, vari pasi paItamari, mwanakomana wemupristi Aroni.+ 9 Asi haana chaakapa vanakomana vaKohati, nekuti mabasa avo aiva epanzvimbo tsvene+ uye vaitakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo.+
-