-
Numeri 4:15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 “Aroni nevanakomana vake vanofanira kupedza kufukidza nzvimbo tsvene+ nemidziyo yese yenzvimbo tsvene kana musasa wava kutama. Vanakomana vaKohati vachabva vauya kuzozvitakura,+ asi havafaniri kubata nzvimbo tsvene nekuti vakadaro vanofa.+ Kutakura zvinhu izvi ibasa revanakomana vaKohati patende rekusanganira.
-
-
Numeri 4:24-26Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Iri ndiro basa remhuri dzevaGeshoni uye izvi ndizvo zvavanofanira kutakura:+ 25 Vachatakura machira ematende etebhenekeri,+ tende rekusanganira, chekufukidzisa charo nechekufukidzisa chematehwe akapfava chiri pamusoro paro,+ keteni rinovhara pasuo retende rekusanganira,+ 26 maketeni anorembera echivanze,+ keteni rinovhara pasuo rechivanze+ chakapoteredza tebhenekeri neatari, tambo dzematende acho nemidziyo yacho yese, nezvinhu zvese zvinoshandiswa pabasa racho. Iri ndiro basa ravo.
-
-
Numeri 4:31-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
31 Izvi ndizvo zvavanofanira kutakura+ pabasa ravo ravanoita patende rekusanganira: mafuremu+ etebhenekeri, mbariro+ dzayo, mbiru+ dzayo, zvigadziko zvayo zvine maburi;+ 32 mbiru+ dzakapoteredza chivanze, zvigadziko+ zvadzo, hoko+ dzadzo, netambo dzadzo dzetende pamwe chete nezvekushandisa zvadzo zvese nemabasa ese anobatana neizvi. Uchavapa maererano nemazita avo zvinhu zvavanofanira kutakura. 33 Aya ndiwo mashandiro achaitwa nemhuri dzevanakomana vaMerari+ pavanenge vachishumira vari patende rekusanganira, vari pasi paItamari mwanakomana wemupristi Aroni.”+
-