16 Kana ukateerera mirayiro yaJehovha Mwari wako yandiri kukurayira nhasi, uchida Jehovha Mwari wako,+ uchifamba munzira dzake, uchichengeta mirayiro yake nemirau yake nemitongo yake, uchabva wararama+ uye uchawanda, uye Jehovha Mwari wako achakukomborera munyika yauri kunotora.+